Upanganhundu

Kubva Wikipedia

Upanganhundu (kureva economics) ishoko riri kushandiswa kurava denhe reruzivo rinodzidzisa zvehupfumi hwenyika. Chidzidzo ichi chinotarisa zvinosanganisira: mhando dzehupfumi huri panyika; kuunganidzwa kwehupfumi; kukotsa hupfumi kuti husaparadzwa; mitemo yekuchengetedza hupfumi; mashandirwo ehupfumi kuti hubereke; kuwanikwa kwendimo dzinobereka hupfumi uye kugoverwa kwehupfumi hunoberekwa munyika.

Nyika dzakasiyana dzine hupfumi hwakasiyana. Zimbabwe ine hupfumi hwesimbi dziri muvhu dzakadai segoridhe; platinum; nickel uye chrome. Humwe hupfumi huri mubanganhundu reZimbabwe hunosanganisira: vanhu vane humhizha hwemabasa; mhuka dzesango dziri mumarimuka; hova nenzizi; mapurazi; maguta nemana anogara vanhu; uye zviptara nezvikoro. Pakuwanikwa kwehupfumi hakuna nyika ingati mubanganhundu redu tine zvose zvatinoda tinokwanisa kurarama sechitsuwa tiri toga. Nyika dziri Pasirose dzinoshavana; dzichifambidzana nekudyidzana kuti vagari vadzo vawane michina, nhumbi nemichero inobva kune dzimwe nyika dzokunze. Kana totaura pamusoro pehupfumi munyika zhinji toti mapanganhundu - economies.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti economy rinobatanidza maviri anoti eco uye nomos. Chivakamberi eco chinobuda mumazwi eEnglish anoti economy, ecology, ecosystem - chichireva house, dwelling place, habitation. Chivakashure chinoti nomos chinoreva distribution, managing, control or arrangement. Saka pakuumbwa kwezwi iri economics zvaireva machengeterwo akanaka emusha ungava musha mudiki, musha mukuru. KuChishona kwatorwa izwi rokuti nhundu kuturikira eco. Izwi rokuti nhundu (a family and its belongings) rinotaura mhuri pamwe nepfuma kana nhumbi. Chivakashure nomos chaturikirwa kupanga (to make a law, command, order, arrange, organise, align, to devise).

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvakanaka kuonesana kuti mazwi ari pano haako kuChiShona chinoturwa mazuvano (2015); chiri kuitwa kuedza kuumba mazwi matsva anoturikira mazwi eEnglish kuti tigokwanisawo kutaura zviri kuEnglish tichishandisa mutauro wedu. Chikamu chino chiri kunyorwa kuti zvive nyore kutaura kuchishandiswa mazwi anotodzana nerinoti Upanganhundu riri kuturikira economics. Saka pakutaura zvinenge zvoutrikirwa sezvizvi:

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa neVaLenje vanoti panga (build; to make do; fabricate, create, to devise) kureva kuvaka kana kuwumba.
  • VaGwere neVaGungu vanoti kupanga (v. arrange, organise, align, queue or line up; put such that in a certain order or arrangement).
  • VaGanda vanoti kupanga (to set up; to pile; to assemble). VaZigula vanoti kupanga (v. divide; distribute; separate; arrange in order; plan; planning).
  • VaLenje vanoti panga (make, used of constructive work of any kind, construct, put together, build, contrive).
  • VaSwahili vanoti panga (1. put in order, line up, set up, arrange; 2. fig., liter.: compose, write (a book, poem). 3. form, conclude. 3. classify, organize).