Ungaruvara

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuTsatsimuvara)
Karongerwo keDNA muNyere ine nhengodzivo.

Muzvidzidzo zveruambamhenyu, mazwi rokuti ungaruvara kana ungamuvara ari kushandiswa kuturikira chinonzi Chromosome kuEnglish. Ungaruvara rakaumbwa nezvinhu zvakarongeka uye zvakatsinhana (closely packed). Nhengo iyi ndiyo yakatakura DNA zhinjisa munyama yechose chinyanhengo chinorarama - living organism. Pahuwandu toti maungaruvara.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi reEnglish rokuti chromosome rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti: chroma (meaning colour) uye soma (meaning body). Tazvibatanidza zvikamu izvi zvobva zvadudza coloured body.

Nomurangaririro mumwechete, izwi rokuti ungaruvara rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti unga uye ruvara. Chikamu chekuti ungo (collection, mass, gathering, body) rinoreva chiunga. Izwi rokuti muvara rinoreva ruvara (colour); apa richitaura kupuvira (to become soaked) kunoita nhengo iyi kana yanyikwa mumvura ine mukando (dye). Nyanzvi dzeHurapi dzinoshandisa mukando wemhando dzakasiyana kuti dzikwanise kutsauranisa nhengo dzemuviri. Izvi zvinochiotwa nechinangwa chokuziva nhengo dzine hutano nedzisina. Zvakaonekwa kuti ungaruvara dzinokasira kunwira dhayi inoshandiswa kuLaboratory.

  • Chromatin inenge yonzi varana?.

Muviri weMunhu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyere dzemuviri wemunhu dzine mapeya emaungaruvara makumi maviri nambiri (22), dzoita maungaruvara maviri dzekushara ubare - sex/gender. Kune idzo dziri pahuviri, rimwe divi rinobva kuna baba, rimwe divi richibva kuna Amai vemunhu. Ungaruvara tingadzidudzira serurebvu rwakamonana runosenga mabari akarongeka parundaza. Idzo mbari dzakatakura nhaka yemuropa inobva kuna baba naAmai vemunhu.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Digo inoti unga (a joint of the body, the body as a whole, and in particular the back; figuratively used of a tree bearing fresh fruit).
  • VaDigo neChewa vanoti unga (to join, to unite). VaDigo vanoti kuungana (to come together to form a group, to join with one another).
  • MaZulu vanoti bunga (v. Show growth e.g. of a field, or of youth growing beard). Muenzaniso: isibungaboya (Species of hairy caterpillar. Lit. what shows hairy growth).
  • MaZulu vanoti bunga (gather together on to; flock around, swarm over).