Nyere (Dzezvipenyu)

Kubva Wikipedia

Nhengo dzose dzezvinhu zvinorarama dzakaumbwa nenyere (cells) dzinova ndidzo zvikamu zvidukusa zvinokwanisa kuita mabasa anoraramisa zvinhu zvipenyu. Kune marudzi akawanda enyere ane mabasa akasiyana uye zvimiro zvakasiyana.

Nyere dzinonyanya kutaurwa inyerehadzi nenyererume dzemhuka kana madzinde. Mudzimai paanobata pamuviri nyererume inowanikwa muhuronyo inenge yabatana nenyerekadzi inosvinwa kubva kumunhukadzi kamwe pamwedzi. Panonyengana nyere mbiri idzi ndipo panovamba hupenyu hwemunhu muchibereko chemunhukadzi. Mururimi rweChiShona chipenyu chinoumbwa panobatana nyere mbiri idzi tichati chinonzi chipandamwana zygote.


Shoko rokuti Nyere rinowanikwa panotaurwa chizinga chinorongerwa huchi nenyuchi - cell of a honeycomb. Chizinga chehuchi chine nyere dzine chiumbiko chakaita gonyanhanhatu (hexagon). Kuumbwa kwakaitwa chizinga nekubatana kwenyere dziri pachiri kunoda kufanana nekuumbwa kwakaitwa nhengo dzemuviri dzichibatanidza nyere dzakatsaukana.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Tsatsimuvara (Chromosomes). Izwi iri rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti tsatsi uye muvara. Izwi rokuti tsatsi (small buch) rinoreva katsumbu kadiki kakadai semaruva. Izwi rokuti muvara (dye, colour) rinoreva rudzi rweruvara. Nyanzvi dzeHurapi dzinoshandisa mukando (dye) wemhando dzakasiyana kuti dzikwanise kutsauranisa nhengo dzemuviri nechinangwa chokuziva nhengo dzine hutano nedzisina. Zvakaonekwa kuti tsatsimuvara dzinokasira kugashira nokunwira mhando dzemikando inoshandiswa kuLaboratory - ndiko kusaka zita iri rakapiwa. Izwi rokuti Chromosome rakaumwa nezvikamu zviviri zvinoti: chroma (kureva colour) uye soma (kureva body) - tabatanidza zvodudza coloured body.
  • Matumbwa (genes) iri shoko riri kushandiswa kufanoturikira chinonzi genes kuEnglish. Mbara inhengo dzinowanikwa pashomwe yenyere, dziri idzo dzinotakura kana kupirikira nhaka yemuropa raBaba naAmai vemunhu.