Chiyo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuTsanga dzeMbeu)
Zviyo zveku Ijipita

Chiyo (nge. grain) zviyo pahuwandu, imbeu yakaoma idiki, inogona kuva kana kusava ne besva (hull) yakabatirira kana hwada ye muchero - inokororwa kuti vanhu ne mhuka dzidhle. Chirimwa che chiyo idzinde rinobara chiyo. Mhando mbiri dze zvirimwa zve chiyo che-commercial isiriyawu ne nyemba. Vamwe vatauri vanodana zviyo kuti mhuuze,

Mushure mekukororwa, zviyo zvakaoma zvakasimba kudarika zvikafu zviri staple, senge michero ye stachi (planteni, musherisheri (breafruit) uye nezvimwe) uye matubheri (tubers) (mbambaira, mufarinya uye zvimwe wo). Kusimba uku kunoita kuti zviyo zviite muhushangazhi we hurimi (agrikalcha), nekuda kwekuti zvinogona kukororwa ne mushina, nekutakurwa ne njanji kana ngarawa, nokuchengetwa nguva dzakareba munhungu (silo kwete shack), uye kugayiwa kuita furawa kana kuitwa mafuta. Nekuda kwazvo, musika we chiyo ikomodhiti yekakura pasirose inosanganisa zvirimwa senge chibage, mupunga, soya, gorosi kana zvimwe zviyo.

Mashoko ashandiswa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

musherisheri breadfruit, kutora shoko re Chiswahili mshelisheli.

Sezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chiyo uye zviyo mazita e Chishona
  • Chiyo (千代 kana 千世) rinoshandiswa muChijapani futi, richireva kuti "makore mauru; zvachose; zvijeneresheni zviuru; mapasirose mauru"

Mitauro ye Chibantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mururimi rweYao vanoti lunyilili (small grains of any substance, such as sand or gunpowder).
  • VaFwe vanoti bweke (n. grain) zvichireva tsanga. VaChewa vanoti njele (n. A single grain or seed of any sort).
  • MaZulu vanoti isilongotsha kana izilongotsha (n. a small particle, mote, grain).
  • MaZulu vanoti uluhlamvu kana izihlamvu (n. 1. Single grain, berry, pip, stone of fruit; 2. Coin, or small body of similar kind; single separate particle).
  • MaZulu vanoti uluhlamvu kana izihlamvu (3. A single word, saying, sentence, syllable, detail, point of an affair).