Njanji
Mataridziko


Njanji (Railway in English) inzira inofamba nayo chitima. Njanji inogadzirwa nesimbi dzinofamba dziri mbiri dzakati sambamba kana kuyererana. Kune mitemo yokuti simbi dzenjanji dzinge dziine nhambwe yakatarwa pamutemo pakati padzo. Pakati pesimbi idzi panowarikwa nhandarikwa dzinogadzirwa nemapuranga emungongoma kana concrete.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Njanjimotsi kana njanjibodzi (n. Monorail) kureva chitima chinofamba panjanji ine mutanda mumwe kwete miviri.