Nhungu

Kubva Wikipedia

Nhungu (n. a shelter in the fields) imba inovakwa kumunda inoshandiswa pakunge munhu oda kutiza mvura inonaya, kuwana mumvuri, kana pakudya. Kazhinji chivakwa ichi chaivakwa chine denga chete pasina madziro kana kuti chiine madziro ane mapango asina kudzirwa. Vamwe vatauri kune mamwe matunhu vanodana nhungu vachiti gotekwa kana kuti dumba.

Pakutaura kwanhasi tinogona kuti imba dzinoshandiswa nana hudhu pagedhi inhungu zvakare nokuti chinangwa chikuru kuhwanda kubva kuzuva. Saka inonzi "shack" kuchirungu inenge yonzi nhungu.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Duka (take shelter for a short time). Fanoduka pano. Take shelter here for a short time.
  • Nhungo kana mharuparu (rafter; strut; one of the sloping members in frame of roof).
  • Chisana (Small, high, Roofed platform for guardian of a cultivated field).
  • Muchacha (Booth in a field). Zvichida ndipo panobva zita rinonzi Machacha?

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nomukunda weZioni wasara kudai ngomuchacha mumunda wemivhini, kudai ngedumba riri mumunda wemakaka, kudai ngedhorobha ratendenedzwa ngehondo. (Isaiah 1:8 Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Herero vanoti tunga (build; fabricate; construct). Mamwe mazwi: omutunge (builder; mason). Okutunga (fabrication).
  • Lenje vanoti chitungu (native African hut). Kimbundu inoti kitungu (n. hut, dwelling).
  • VaKongo vanoti tunga kana tunga inzo (build a house, construct) kureva kuvaka. Mamwe mazwi: ntunga (a construction, a building).
  • VaKongo vanoti ntungi (builder, founder). Mamwe mazwi: ntungu (n. structure, building, fabric, construction).
  • Sangho inoti gangara (n. the framework of a thatched roof, or the various components of it). Bavili vanoti lutungulu (n. construction).