Svutugadzike

Kubva Wikipedia
svutugadzike tsvuku
vanhu vachi korora svutugadzike

Svutugadzike (ku Chingezi: tea) kana tii; tiyi chinwiwa chinofarirwa neruzhinji hwe vanhu pasirose. Inogadzirwa nekunyika mashizha akaoma kana maruva edzinze Musvutugadzike mumvura inopisa. Svutugadzike inema mandorani, mapfuwira, kana runga yemichero, senge ndimu. Svutugadzike dzese dzinogadzirwa nedzinde re Camellia sinensis.[1]

Dzimwe nguva shoko rekuti "svutugadzike" rinoshandiswa zvimwe zvinwiwa zvinonyukwa mu muchero kana mandorani emvura inopisa, senge "svutugadzike ye rosehip", kana "svutugadzike ye camomile". Aya anonzi "svutugadzike dzendorani".

Mhando ye svutugadzike[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tarisai futi peji re: Svutugadzike izerere ne svutugadzike itema

Svutugadzike izerere
mashizha ekugadzira svutugadzike izerere
Bhobha - mhando ye svutugadzike

Pane mhando mbiri dze svutugadzike: svutugadzike itema ne svutugadzike izerere.

Kugadzira svutugadzike tema, vashandi vanotora mashizha vachima tambaradza pama sherufu paanokwanisa kuoma. Vanotevera neku ma rolla uye nekuma mhedura mumagwishu, uye wobva vamaisa muchumba maano anonwirira (absorb) oksijeni. Riyekisheni ye mushonga inoshandura raviro ne stayera ye svutugadzike. Pekupedzisira mashizha anooma nemweya unopisa kusvika aita ruvara rwembise kana rutema. Svutugadzike tema zhinji inobva ku Siri Ranka, Indonezhiya ne Mabvazuva eAfurika. Kana mashiza esvutugadzike tema ava brewed mumvura inofanza, svutugadzike inogadzirwa nemashizha acho inenge iri tsvuku, saka imwe zita rinoshandiswa pamusoro pesvutugadzike tema, kunyanya muChayina, isvutugadzike itsvuku,

Svutugadzike zere inogadzirwa nekuisa mazhisha matsva mustima (steamer), izvi zvinoita kuti ave zerere. Anobva azotswanywa uye owomeswa muovheni. Indiya ndiyo musika hombe uye vashandisi vesvutugadzike zere.

Svutugadzike inowanzo mereswa ku Chayina, India, Pakistani, Siri Ranka, Taiwani, Japani, Neparu, Ostireriya, Ajendina ne Kenya.

Manwiro anoitwa svutugadzike[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Svutudazike inonwiwa ichipisa. Ku Chamhembe ne Mabvazuva eAfurika inowedzerwa mukaka pamwe ne chokera nemamwe wo marunga.

Nyika imwe ne imwe ine magadzirirwo anoitwa svutugadzike zvichienderana ne tsika dzavo. Vamwe vanoinwa isina chinhu kunyangwe chikafu, vamwe vanoinwa nechokera chete.

Raviro neruvara rwesvutugadzike unoshanduka sezvo mashizha anogara mumvura inopisa. Kunyorerwa kwekafeni kunonzwika pakutanga, saka kana mumwe munhu achida kuchangamuka (activate) mumwe msaka (effect) anogona kunwa svutugadzike yakaenderana mamineti 1-2 chete. Kana mashizha akagara kwenguva yakareba, mamwe ma ndoranishonga (herbicides) anoparara uye mishonga iyi inogona kudzora msaka we kafeni uye inotounza manzwiro ekusununguka. Huwandu hweruvara rwesvutugadzike hausi chiratidzo chemawandiro ekafeni iri mukati ne chikusvo[2] che msaka.

Ku Mabvazuva Epakati, mashizha esvutugadzike kazhinji anonyikwa mumvura inotonhora nemvura yakafanzwa.

Ku Rhashiya ne Perusiya poto diki ye svutugadzike yakasimba inotsvetwa muketero hombe yemvura inopisa inonzi samovar. Huwandu shoma hwe svutugadzike unotsvetswa mukomichi kana girazi uye yozadzwa mvura inopiswa.

Ku Yuropu vanhu vanoisa mashizha mumvura inenge ichifanza mamineti mashoma. Vangezi ne Vafirisiya (Frisians) vanoisa mukaka kana ruomba, nemuto wendimu ushoma, nechokera.

Svutudzake ye kuEzhiya[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tarisai peji re Bhobha

Mitauro ye Afurika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Lugwere inoti majaani (n. tea) vachireva tiyi. Luganda inoti amajaani (tea leaves), kureva masamba.
  • Nyanja inoti masamba (n. leaves) kureva mashizha. Mamwe mazwi: chisamba (n. clump of leaves) kureva tsumbu remashizha.
  • Swahili inoti chai (n. tea) kureva tiyi.

Mamwe mapeji ekutarisa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. https://www.foodnetwork.com/fn-dish/shows/2013/01/10-interesting-facts-about-tea-iron-chef-america-ingredients-101
  2. "stimulant mu Chishona inonzi 'Chikusvo'". Archived from the original on 2021-09-10. Retrieved 2021-09-10.