Middle East

Kubva Wikipedia
Middle East.

Middle East (Sho. Mabvazuva ePakati) izita rakapiwa neVarungu kureva dunhu rekuMadokero kweEzhiya pamwe neIjipita. Marudzi akatekeshera mudunhu iri vanosanganisira: Vaarabhu; Vaazeri; Vakurudhi; Vaperusiya; ne Vaturuki, ava variyo marudzi ane vanhu vakanyanya kuwanda mudunhu iri. Mamwe marudzi vane huwandu hudiki ndevanoti: Vaameniya; Vaasiriya; Vacherikesi (Vasikasi); Vakoputi; VaDruze,Vajudha Vamaronite, ne Vasomali.

Nhoroondo yedunhu reMiddle East inozivikanwa kubva kumhokore uye dunhu iri rakagara riri gombe munyaya dzinobata Pasirose. Zvitendero zvine chitsama zvakadzikwa zvichibva kuMiddle East - izvi zvinosanganisira Chijudha, Chikristu Chiislamu; ChiBaha'i, uye Unitarian Druze, nezvimwewo zvitendero zvakapfumbira mudunhu iri. Middle East idunhu rinopisa uye rakawoma; asi riiine nzizi huru dzinodiridza minda nokuraramisa hurimi munzvimbo dzeko. Nzizi idzi ndedzinoti: Rwizi Nairi kuIjipita uye Rwizi Tigirisi neRwizi Yufuratesi dzine muzanda kumatundu eMesopotamia inova nzvimbo inozivikanwa kunzi Fertile Crescent. Nyika zhinji dzedunhu iri dzakaganhurana neGhova rePerusiya uye dzine hupfumi hwakakura hwemafutarubwe. Zvinonzi kune magodzonga eVatongi munhu iri vanosimbisa utongi hwavo nemari inobva mukutengesa mafutarubwe kunyika dzekunze. Dunhu reMiddle East idunhu rine makakatanwa mazhinji munhau dzinobata: matongerwo enyika; tsika; chitendero; hupfumi nerunyera mupingo - strategy.

Mupingi - (leader). Rupingo (foremost).

Nyika dzeMiddle East[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kana kuchinyorwa mazuvano, nyika dziri mudunhu reMiddle East ndedzinoti: Bahrain Cyprus; Ijipita (inyika yeAfurika); Irani; Iraki; Isiraeri; Jorodhani; Kuwaiti; Lebhanoni; Omani; Qatar; Saudhi Arabhia; Siriya; Turuki; United Arab Emirates; neYemeni.