Musvutugadzike

Kubva Wikipedia
Musvutugadzike

(Camellia sinensis)

mashizha e msvutugadzike
Hupango mu sainzi
Muvuso: Udzinde (plantae)
Bazu: Matyakeyofiti (tracheophytes)
Bazu: Mahanjiyospemu (angiosperms)
Bazu: Mayudhikoti (eudicots)
Bazu: Maasteridhi (asterids)
Raya: Maerikari (ericales)
Mhuri: Mhuriyechai (theaceae)
Mbari: Kamiria (cammellia)
Rudzi: K. svutugadzike
Zitarupiri (binomial name)
Kamiria Svutugadzike
Zitafanana
  • Camellia angustifolia Hung T. Chang
  • Camellia arborescens Hung T. Chang & F. L. Yu
  • Camellia assamica (J. W. Masters) Hung T. Chang
  • Camellia dehungensis Hung T. Chang & B. H. Chen
  • Camellia dishiensis F. C. Zhang et al.
  • Camellia longlingensis F. C. Zhang et al.
  • Camellia multisepala Hung T. Chang & Y. J. Tang
  • Camellia oleosa (Loureiro) Rehder
  • Camellia parvisepala Hung T. Chang.
  • Camellia parvisepaloides Hung T. Chang & H. S. Wang.
  • Camellia polyneura Hung T. Chang &
  • Camellia thea Link
  • Camellia theifera Griffith
  • Camellia waldeniae S. Y. Hu
  • Thea assamica J. W. Masters
  • Thea bohea L.
  • Thea cantonensis Loureiro
  • Thea chinensis Sims
  • Thea cochinchinensis Loureiro
  • Thea grandifolia Salisbury
  • Thea olearia Loureiro ex Gomes
  • Thea oleosa Loureiro
  • Thea parvifolia Salisbury (1796), not Hayata (1913)
  • Thea sinensis L.
  • Thea viridis L.
  • Theaphylla cantonensis (Loureiro) Rafinesque

Musvutugadzike (Camellia sinensis) kana m'svutugadzike. KuChishona muchero unodanwa kutodza muti wayo uye miti inodanwa kutodza michero yayo. Enzano; muti we maranjisi unonzi muranjisi, uye muti we masau unonzi musau. Saka panonzi musvutugadzike zviri kureva muti kana gwenzi rinoshandiswa kugadzira iyo svutugadzike yacho.

Musvutugadzike imhando ye zvikwenzi zve-evegreen kana miti idoko mumhuri medzinde rinotumbuka ye chirimwa Mhuriyechai[1] (Theaceae). Mashizha ne pfumvudza romashizha ayo ndiwo anoshandiswa kugadzira svutugadzike. Mazita ounjee anosanganisira "muti wesvutugadzike", "gwenzi resvutugadzike", uye "m'svutugadzike" (kwete kuvhiringika ne Mutiyitri (Melaleuca alternifolia), kunobva mafuta emutiyitri, kana Mumanuka (Leptospermum scoparium), muti we svutugadzike wekuNyuzilendi).

Svutugadzike ichena, svutugadzike ihuroro, svutugadzike izerere, huron'a (oolong), svutugadzike yakavira, (inosanganisira svutugadzike ye pu'erhi) ne svutugadzike itema zvese zvinokohwewa kubva kune mhando mbiri dzemiti dzinorimwa mazuva ano, (C. sinensis var. sinensis) uye (C.s. var. assamica),[2] asi anogadziriswa zvakasiyana kuti awane mauzhinji erututsiro akasiyana, iyo svutugadzike tema ndiyo yakanyanya kututsirwa uye yezerere ndiyo isina kututsirwa ushomanene.[3] Kukicha / bvoocha[4] (svutugadzike ye matavi yokuJapani) inokohwewawo kubva ku-C. sinensis, asi inoshandisa matavi nemadzinde kwete mashizha.

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Shoko rokuti "Chai" riri kubva pashoko remimwe mitauro kusanganisa Chiswahiri chinotiwo Chai kureva svutugadzike.
  2. https://www.itis.gov/servlet/SingleRpt/SingleRpt?search_topic=TSN&search_value=506801
  3. https://books.google.com/books?id=k3HK2WuZrsYC
  4. Shoko rokuti bvoocha ririkubva pashoko reChijapani rokuti Boocha, kuti rienderane nematauriro anoita vanhu vechiShona.