Mumvuri

From Wikipedia
Mumvuri weRambhi remagetsi pachidziro

Mumvuri (Shadow; also shade from the sun) zvinoreva nzvimbo iri panharaunda isiri kuwana chiedza nokuda kwokuti chiedza chakavhariridzwa nechimwe chiumbwa. Mumvuri unooneka kudivi riri seri kwedivi rine chiedza. Chiedza chezuva chinokonera kuti zvinhu zviri pasi zvive nemimvuri; kureba nekukura kwemumvuri iyi kunosiyana zvichienda nokuti inguvai yezuva.

Pamitumbi iri muchadenga, zuva nemwedzi ndizvo zvinogona kukonzera mimvuri yezvinhu.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Bvute kana mabvute (Shade - regarded as shelter from the sun).

Tsika[chinja | edit source]

  • Tinotenda baba masvika pamusha wedu makaisa mumvuri wenyu pano. Aya mazwi okutenda mukuru anenge akushanyirai, mukafara nekuuya kwake, mumvuri wake ukaita kwamuri sokunge watonhodza pamusha nguva yokupisa.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Lenje inoti chimfuli (n. shadow, shade) vachireva mumvuri.
  • Swahili inoti kivuli (1. shadow, shade, shaded place; 2. vision, phantom, ghost).
  • Kinande inoti ekitutu (n. shadow) vachireva mumvuri.
  • Shambala vanoti kizuli (n. shadow) vachireva mumvuri.