Kuenzana

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Shoko rokuti kuenzana (being equal in size) rinoreva kufanana pahukuru, mumhu, mupimo kana huwandu.

Mashoko aya achange akakosha pakuturikira zvivakashure zvinoti: iso-, equi zvinoshandiswa kuEnglish.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Pavakapedza kutsindira mugwagwa wanga wati chechetere.
  • Wanga uri muchechetere mvura yeguvi.

Mamwe Mashoko[chinja | edit source]

Mamwe mashoko anoreva zvimwechete ndiwo anoti, njenje, muchechetere, gadaga, gwedegwe, kutsazana. Shoko rokuti kutsazana rinobva kuchiManyika richireva iko kuenzana.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaChewa vanoti enza, enenza, eza (measure, survey; compare), kureva kupima. Saka zvakaenzana zvinopimirana.
  • VaChewa vanoti linganika (to be equal), kureva kuenzana.
  • VaChewa vanoti malinga (equality, justice).
  • VaChewa vanoti linganiza (to make the same; to be equal; to make smooth; level), kureva kuenzana.
  • VaUmbundu vanoti soka (v.s. equal), kureva kuenzana.
  • VaUmbundu vanoti esoko (v.s. equality), kureva uenzani.
  • VaDigo vanoti usawa (n. equality) zvichireva kuenzana.
  • VaKongo vanoti -fwananini (v.s. equal), kureva kuenzana.
  • VaKongo vanoti fwananika (equalize, make equal), kureva kuenzanisa.
  • VaKongo vanoti mfwanani (equality), kureva ruenzano.