Hugadaga

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuGadaga)

Kana zvinhu zvichinzi zviri Gadaga (State of Balance in English) zvinoreva kuti hazvina kurerekera kana kuwandira kudivi rimwe asi zvakaenzana mativi ari kutariswa. Shoko iri richange richishandiswa muzvinyorwa zviri pano kutaura inonzi Balance kuEnglish.

  • Vaya vanofamba patambo yakasungirwa kumapango maviri vanenge vari kufamba vari gadaga patambo iyoyo. Zvavanoita kuti varambe varipo patambo vasingadonhe kana kurerekera kune rimwe divi kunonzi kugadadza.
  • Munhu kana ari kuchovha bhasikoro richifamba risingawe panenge paine hugadaga.
  • Ana mabharani vanobata mari kana vachiita mabhuku avo emari vanoda kuti vagume vaine hugadaga hwemari yakapinda neyakabuda - "Accounts must balance".
  • Panopimwa mutumbi pachikero panange pachitsvakwa hugadaga pakati pemutumbi une huremu hunozivikanwa nemumwe usingazivikanwe.


Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Panodaro paine rimwe shoko rinotaura "balance" kuChiShona" rapotswa pano. Iri shoko rekuti gadaga ndere chimanjemanje uye ndiro raonekwa riri pedyo kutaura chinonzi "balance". Nokuti pashaiwa shoko rimwe zvinyorwa zviri pano zvichange zvichishandisa shoko rokuti gadaga.

Vechidiki vakakura mumwaka wechikumi cha1970 vaibvunzana hupenyu vachiti "Uri gadaga here? - izvi zvichireva kuti, "Uri bhoo here, zviri right here?". Ikoko kuva bhoo zvinhu zviri "right" zvakamira zvakanaka ndihwo hugadaga kana kuti "balance" iri kutaurwa pano.