Bhoti

From Wikipedia
(Redirected from Kuchapa)
Jump to navigation Jump to search
Kerala backwater 20080218-11.jpg

Bhoti kana bwato (boat in English) imhando yegwa refu risina kupamhama zvakanyanya ringava rakagadzirwa nedanda rakavezwa rikacherwa mukati maro kana kuti rakagadzirwa ne plastic. Bwato rinoshandiswa kufamba mumvura uye mitambo yemakwikwi mumvura.

Vamwe vanoyambuka rwizi Zambezi kubva kuZimbabwe kuenda kuZambia vanoshandisa mabwato.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Mururimi rweNyungwe vanoti mwadiya (n. canoe) kureva bwato.
  • VaHerero vanoti otyi-tumbure (n. rudder).
  • Vatauri veUmbundu vanoti owato (boat) kureva bwato.
  • VaYao vanoti ngavi (n. a paddle) vachireva muchapo.
  • VaGungu vanoti ngooto (n. a dugout canoe that is made from a tree that is chiseled in the middle) vachireva bwato rakagadzirwa nedanda guru rakafoonorwa mukati.
  • VaLozi vanoti -capwaila (v.i. to paddie slowly and lazily) kureva kutyaira bhoti nemuchapo zvinyoronyoro.