Bhoti

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuBwato)

Bhoti kana bwato (boat in English) imhando yegwa refu risina kupamhama zvakanyanya ringava rakagadzirwa nedanda rakavezwa rikacherwa mukati maro kana kuti rakagadzirwa ne plastic. Bwato rinoshandiswa kufamba mumvura uye mitambo yemakwikwi mumvura.

Vamwe vanoyambuka rwizi Zambezi kubva kuZimbabwe kuenda kuZambia vanoshandisa mabwato.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nyungwe vanoti mwadiya (n. canoe) kureva bwato. Chikunda vanoti mwadia (n. dugout canoe) kureva bwato. Bavili vanoti saambilë (v. to paddle).
  • Herero vanoti otyi-tumbure (n. rudder). Umbundu vanoti owato (boat) kureva bwato. VaYao vanoti ngavi (n. a paddle) vachireva muchapo.
  • VaGungu vanoti ngooto (n. a dugout canoe that is made from a tree that is chiseled in the middle) kureva bwato redanda rakafoonorwa mukati.
  • VaLozi vanoti -capwaila (v.i. to paddie slowly and lazily) kuchapa bhoti zvinyoronyoro. Kimbundu vanoti ulungu (n. boat).
  • Nhaneca inoti ouato (n. boat; ship; vessel) kureva bhoti. Vei inoti dende' (n. canoe; vessel) kureva kanuu.