Chiringarongo

Kubva Wikipedia

Mazwi okuti chiringarongo kana ruringarongo (having same parts or members) riri kushandiswa pano kuturikira chinonzi isomer kureva mishonga ine maatomu akafanana muhuwandu hwakaenzana, asi mishonga iyi ine chiumbiko chakasiyana.

Kupiwa Kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Izwi rokuti isomer rine zvikamu zviviri zvinoti: iso kureva equal uye -mer kureva a combining form meaning, member of a particular group.. Nokumwe kutaura meros inoreva portion, part or share.
  • Mitauro yeBantu inoti: kulingana; kulinga; mlingano (equal, similar, harmony) kureva kuenzana. Izwi rokuti kuringana ndiro rinotodzana nechikamu chinoti chiringa.
  • Izwi rokuti mulongo rinowanikwa kumitauro yeBantu iri pasi iyo, ndiro rashandiswa kuturikira chikamu chokuti -mer pazwi rinonzi isomer. Fananidzai nokuti varongo.
  • Zviringarongo kana zviringamurongo (isomers).
  • Uringarongo kana uringamurongo (isomerism).

Muenzaniso: C3H8O[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muenzaniso yemishonga mitatu ine molecular formula : C3H8O

Structural isomers of Template:Chem: I 1-propanol, II 2-propanol, III ethyl-methyl-ether.
Structural isomers of Template:Chem: I 1-propanol, II 2-propanol, III ethyl-methyl-ether.

Muenzaniso: C3H4[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muenzaniso yemishonga mitatu ine molecular formula C3H4:

I Propadiene II Propyne III Cyclopropene

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nsenga vanoti mulongo (n. crowd, collection, herd, flock). VaGanda neVaNyole vanoti omulongo (twin) kureva mupatya.
  • VaLenje vanoti mulongo (n. Number of individuals together, group of individuals, band of men; company of people; flock; party of people).
  • VaYao vanoti ulongo (affinity, relationship) kureva hukama. Mamwe mazwi: mlongo (a relation; a member of the same tribal family) kureva hama.
  • Chewa vanoti linganika (to be equal), kureva kuenzana. Mamwe mazwi: linganiza (to make the same; to be equal; to make smooth; level), kuenzanisa.
  • MaZulu vanoti linga (be equal) zvichireva kuenzana. Fananidzai nokuti kuringana.