Chatemamumwe

Kubva Wikipedia

Chatemamumwe (autocracy) izwi iri riri kushandiswa pachinyorwa chino kureva mutowo wematongero unotevedza zvinofungirwaa kuti ndizvo zvinodiwa naMwari.

Kududzwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti autocracy rakabva kuGreek - iro rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti: auto kureva self, same, one's own uye kratia kureva rule or strength. Saka pano chivakashure chokuti chatema- chiri kureva nzira yehutongi inopa simba kuboka rakarehwa - pano Chatemamumwe huri hutongi hunotevedza mitemo yemunhu mumwe. Tarisai zviri pasi pandima iri zasi yemitauro yeBantu kuti pane dudziro yemazwi okuti tema uye guru. Mitauro yekuchamhembe nekumabvazuva kweAfrika ine mashoko anotodzana, saka pano pasarudzwa mazwi eChiBantu. Izwi rokuti guru rinoonekwa pakuti: gurusvusvu; gurumwandira; gurudadi; gurundundu; guruutsi uye guru remhuri yakawanda.

Zvakakosha kuonesana kuti mashoko ari pano haako kuChiShona chemazuva ose, asi kuedza kuturikira mazwi anotaurwa kuEnglish.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mururimi rweNyungwe vanoti mtemo (n. law) kureva mutemo.
  • VaGogo vanoti utemi (right to rule; chiefdom, chiefship) kureva kodzero yokutonga uye hutongi.
  • VaGogo vanoti mtemi kana watemi pakuwanda (leader, rule) kureva mutongi.
  • Vatauri veKiikizu vanoti -tema (rule over, reign) vachireva kutonga Zvichida mazwi anoti democracy, theocracy, aristocracy anngaturikirwa tichibva pana tema.