Kurima

Kubva Wikipedia

Kurima (farming) zvinoreva mabasa anoitwa kuchengeta mhuka dzakapfuyiwa uye kudyara nekukohwa mbesa. Kurima kunosanganisira kukama mukaka wemhuka dzakapfuyiwa, kucheka vhudzi remhuka dzakadai sehwayi; kusarura mukono unoberekesa nzvari; kusarura mbeu dzakanaka dzokudyara zvichingodaro.

Munyika zhinji dzeAfrica kurima ndihwo hushangazhi hune vanhu vakanyanya kuwanda vanoshandamo.

MuZimbabwe vanhu vazhinji vari kumaruwa vanoita mabasa ekurima. Vazhinji vanopfuya mhuka dzinosanganisira mombe; mbudzi; hwayi; huku; njiva; hanga; nguruve nedzimwewo. Kuminda vanodyara mbeu dzinosanganisira; chibage; donje; fodya; nzungu; nyimo; mbambaira nezvimwewo.

Madzinde anorimwa muvhu achizokohwewa kuti adyiwe kana kushandiswa nevanhu anonzi mbesa - crop of any kind. Panodyarurwa fodya kana muriwo, madzinde acho madiki ari kudyarurwa anonzi mbesanwa kana kuti nhondo.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kurima (to till, to plough) apa kureva kutimba negejo.
  • Ndimo (Agriculture; ploughing season; fields).
  • Kuparura kana kutsivira (to make ridges) zvinoreva kuvamba kurima gombo kugadzirira kudyara mbambaira.
  • Kusevura, kuparura, kana kuseza (to clear land for planting a garden). Museza izita remhuri.
  • Nhondo dzefodya dzinosimwa pamihomba. Apa kusima kunoreva kudyara chinhu changa chamera uchisima paunoda kuti chizokurira.
  • Kusimika kana kudzimika (to plant firmly).
  • Kukuta (to break up clods) apa zvichireva kupwanya mavhinga.
  • Kukavira (to plant seeds which are not broadcast e.g. beans and maize) kutaura kudyara mbeu nenzira yekukandira mukakomba uchifushira nevhu rinokavirwa mukakomba makare - iyi naira yasiyana nekukusha.
  • Gwerekwete kana magwerekwete (Good farmer) kureva murimi anogona kurima.
  • Mudzongwa (1. Planting in rainy season, 2. Crop sown in rainy season). Vanodzongera mudzongwa pamunhuruka: they plough the rainy-season crops into the ground at the first rains.
  • Kubvukuta (cultivate and sow at same time).
  • Kuchacha (clear old lands). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Machacha?

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Anokuti rima ati udye. He who tells you to plough wants you to eat.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]