Huku

Kubva Wikipedia

Huku (chicken in English) ishiri inopfuyiwa pamba inowanikwa Pasirose. kune mhando zhinji dzehuku dzinochengeterwa kuita mazai uye kudyiwa nyama yadzo. Mwana wehuku anonzi nhiyo.

Nhunzvi yehuku inodanwa kunzi mhambo kana kuti tseketse, apa kureva huku hadzi yakambokandira mazai ikaita nhiyo.

  • Jongwe kana gukurume ihuku hono inokwanisa kuzvarisa.
  • Sekete (cage) kureva dendere rinotakurirwa huku.
  • Kukandira mazai (laying eggs) zvinoreva kuburitsa mazai kunoita tseketsa yehuku.
  • Chitsaka, Chitsake (1. Bird's nest 2. Woven nest for poultry, gen suspended below eaves of house) apa kureva chirukwa chinoitirwa huku kuchishandisa huswa kana tumiti. Chirukwa ichi chinoitirwa huku dziri kurindira mazai chinorembedzwa muberere rehozi kana imba.
  • Kapupu, mhupu kana mhupurira (Growing fowl, cockrel or pullet). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Nyakapupu?
  • Chikwere kana chitata (House for poultry) apa kureva zumbu rehuku. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Nyamutata?
  • Madororo (chicken excreta) kureva tsvina yehuku.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsumo - Machongwe maviri haakukuridze pamutanda mumwe.

Nyama yehuku kudya kunonaka; huku ndiyo nyama yokuti kana vaenzi vasvika inobayiwa kuchifarirwa vaenzi. Huku dzinokurumidza kuwanda sechifuyo pamba.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Huku dzangu dzava kukunduka manhenga: my fowls are losing some feathers.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]