Nzungu
From Wikipedia
Nzungu (Peanuts in English) chirimwa chinokura psi pevhu chinorimwa nevarimi. Nzungu dzinokura mumateko ekuti kana woda nzungu unotanga wapwanya mateko aya, kunonzi kutonongora. Nzungu dzakatokonhorwa dzinonzi musvo.
Dzungu dzinoshandiswa kugadzira: dovi; mafuta; kudyiwa dzakadaro kana kuti kukangwa.