Chitsuwa

From Wikipedia
(Redirected from Zvitsuwa)
Jump to navigation Jump to search
Chitsuwa

Muchidzidzo cheTaranyika, chitsuwa, ishoko rinoreva nzvimbo yakatendedzwa nemvura ingava pakati pegungwa; nyanza kana rwizi. Chitsuwa chinosiyana neContinent pakuti chidiki.

MuAfrica kune zvitsuwa zvinoti: Madagascar; Mauritius; Zanzibar; Cape Verde; Seychelles; Victoria Island nezvimwewo. Pasi rose chitsuwa chihombesa ndicho chinonzi Greenland.

Vamwe vatauri vanoti chiwi, chirundu, chituru kana kuti chiunde - asi vamwe vamoti chiunde inzvimbo iri kwayo yega.

Ruwarikana rwezvitsuwa runotaurwa panowanikwa chaunga chezvitsuwa sezvakaita muGungwa reAegean pedyo neItaly.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaShambala vanoti kisiwa (n. island), kureva chitsuwa.
  • VaLugungu neVaGanda vanoti kizinga (island) vachireva chitsuwa.
  • VaTonga vanoti kasuwa (island) kureva chitsuwa.
  • VaKongo vanoti kisanga (island) vachireva chitsuwa.
  • Baila vanoti chilwa (island) vachireva chitsuwa.
  • VaLenje vanoti izinga, nsumbu kana sumbu (island) vachireva chitsuwa.
  • VaMakua vanoti ntiji kana matinji pakuwanda (island) vachireva chitsuwa.