Gurutsuwa

Kubva Wikipedia

Mazwi anoti gurutsuwa kana gururundu ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi Archipelago or Island cluster kuEnglish, izvi zvichireva ruwarikano rwezvitsuwa. Mazwi aya anotaura panowanikwa chaunga chezvitsuwa sezvakaita muGungwa reAegean pedyo neItaly.

Indonesia, Japan, the Philippines, New Zealand, and the British Isles ndiyo mimwe mienzaniso yemagurutsuwa. Pane izvi, Indonesia ndiyo ine gurutsuwa rakakura kudarika mamwe kuchitariswa kukura kwenharaunda uye hugari hwevanhu.

Mipanda yeRuwarikano rwezvitsuwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ruwarikano rwezvitsuwa rwunokwanisa kuwanikwa mugungwa kana kuti zviri pedyo nedunhu guru. Somuenzaniso Scotland ine ruwarikano rwezvitsuwa zvinodarika 700 zvakomberedza dunhu guru. Kuti pave negurutsuwa zvinonyanya kukonzerwa nezvikwatamabwe.

MuAfrica mune Gurutsuwa reHanish rinowanikwa kuEritrea.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]