Zanzibhari

Kubva Wikipedia
Mureza weZanzibhari
Mepu ye Chitsuwa cheZanzibhari

Zanzibhari (Chiswahiri: Zanzibar, Zanzibari; Chiarabhu: زِنْجِبَار‎,) kana Unguja inzvimbo yakazvimiririra inodzora yeTanzania. Inozivikwa seRudhende rweVanhu veZanzibhari. Inoumbwa neGurutsuwa reZanzibhari muGungwa re India, 25-50 makiromita (16-31 mi) kubva kumahombekombe kwenyika, uye ine zviwi zvidiki diki uye zviviri zvakakura: Unguja (chitsuwa chikuru, chinotaurwa zvisina kurongwa se Zanzibhari) uye Chitsuwa che Pemba. Guta guru iri iGuta reZanzibhari, riri pachitsuwa cheUnguja. Nhoroondo yayo iri Jarati Mkongwe (Mji Mkongwe) ne Nzvimbo yeNhaka yePasirose (World Heritage Site).

Vambo rezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rekuti Zanzibhari rakabva kushoko reChiarabhu زنجبار (zanjibār), richibva kuPerusiya زنگبار (zangbâr), mukomboni weزنگ (Zang; "mutema") na بار (bâr; "Coast"),[1][2] (zvichimirira kuti: Gungwa reZanj). Iri zita nderimwe remamwe mazita ekuremekedza anogoverana mavambo akafanana, pakupedzisira achireva "nyika yevatema" kana zvakafanana zvinoreva, zvichireva kune 'ganda rakasviba' revagari venzvimbo yacho.

Shoko rekuti Unguja harina chirevo chakawanikwa.

Taranyika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nharaunda yayo yakaenzana neGurutsuwa reZanzibhari iripo pamberi pemahombekombe kweMabvazuva eAfurika pedyo neTanganyika (nyika yechikuru).

Inosanganisira zvitsuwa zvikuru zveUnguja nePemba pamwe nezvitsuwa zvidiki, asi kwete yekumaodzanyemba kweChitsuwa cheMafia.

Nehutongi, Zanzibhari yakakamurwa kuita matunhu mashanu, matatu kuUnguja uye maviri muPemba.

Pemba

  • Maodzanyemba ePemba
  • Chamhembe chePemba

Unguja

  • Ebheni Manyurazuva yeUnguja
  • Maodzanyemba eUnguja
  • Maodzanyemba eUnguja

MuchiBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mumutauro weChiswahiri Zanzibhari inonzi; Jamhuri ya Watu wa Zanzibar[3]

MuChizulu inonzi Izanzibar kana sezita rese: Iriphabhulikhi yase Zanzibar[4]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Harper, Douglas. "zanzibar". Online Etymology Dictionary.
  2. Richard F. Burton (2010). The Lake Regions of Central Africa. New York: Cosimo, Inc. p. 38. ISBN 978-1-61640-179-5.
  3. Chiswahiri wikipidhiya, (29 Chivabvu 2021)'Jamhuri ya Watu wa Zanzibar' Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
  4. Chizulu Wikipidhiya, (3 Gunyana 2020) 'Zanzibhari' Yakatariswa: 21 Chikumi 2021