Mazera

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuZera (chizvarwa))

Shoko rekuti zera (generation) rinokwanisa kureva chizvarwa sokushandiswa kwarinoitwa panonzi "zera redu nezera rana baba vedu". Tichitevedza mhuri imwe pamakore zana (100) kunokwanisa kurarama zvizvarwa zvina kana zvitatu. Kuti kwaberekwa zvizvarwa kana mazera mangani zvinobva pakuti vanhu vari kuita vabereki vava nemakore mangani. Avo vanotora nguva yavo vachimboita chikoro vanowanza kunonoka kubereka saka mhuri dzavo dzinotarisirwa kuitawo zvizvarwa zvishoma pamakore zana.


Mazera evanhu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vakadzi

Mubvana zvinoreva mwanasikana akaroorwa ane mwana kana vana vakewo. Pakuremekedza vamwe vanoti vabvana nyangwe ari munhu mumwe ari kutaurwa. Pahuwandu vanonzi vabvana.

Chembere munhukadzi asaruka zvokuva nemakore ari murumana rwemakumi matanhatu (60) - apa manero anosiyana.


Varume

  • Jaha zvinoreva mukomana abva zera anokwanisa kunge ave kupfimba vasikana.
  • Harahwa zvinoreva murume achembera tingati asaruka zvokuva nemakore ari murumana rwemakumi masere (70) zvichikwira. Maonero anosiyana.

Zvinhu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mugarakare (Object that has lasted long, or will last long, or has been a long time in its present position) apa kureva chinhu chagara nguva ndefu pachiri uye chichitarisirwa kuramba chiripo nguva refu.Rimwe inzwi rinoreva zvakafanana neiri ndeiri Chigaramatombomatandaanowora
  • Kutsengeya (to be long lived) apa kureva kurarama makore akawanda. Mudhara Zata atsengeya.
  • Zvino Abrahama naSara vakanga vave vasharuka, vati gwedere nouwandu hwemakore; nomuitiro wevakadzi waiya usikachaitiki kunaSara. (Genesis 18:11).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vatauri veHerero vanoti ou-titi (youth; childhood) kureva zera diki.
  • VaKabwa vanoti omukaruka (old man) kureva musharukwa.
  • Chuwabo vanoti nlogo kana malogo (n. people; generations).