Uchidzandanga

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuUchirandanga)

Izwi rokuti uchidzandanga kana uchirandanga riri kushandiswa pano kuturikira chinonzi psychotherapy kuEnglish anova mabasa ekurapa ndangariro dzemunhu nenzira isiri yemushonga. Ana muchidzandanga vanoshanda nemunhu, mapoka evanhu, vakaroorana kana mhuri. Basa ravo rinosanganisira kubatsira vanhu pakukunda kushungurudzwa, kunentseka mupfungwa, kunentseka pahukama uye avo vane katsika kanovanetsa.

  • Upodzandanga (Psychiatry) mabasa anoitwa nana chiremba ekurapa vanhu vane pfungwa dzinovatambudza, kuburikidza nekuzivunura zvirwere izvi, kuzvimaneja, nokuzvidzivirira. Ana mupodzandanga vanopinda chikoro chana chiremba kuti vakwanise kuita basa iri, une vanotenderwa kushandisa mishonga.
  • Unenandanga izwi riri kushandiswa kuturikira chinonzi psychology kuEnglish.
  • Izwi rokuti therapy rinodudzirwa richinzi: the treatment of disease or disorders, as by some remedial, rehabilitating, or curative process kana kuti any act, hobby, task, program, etc., that relieves tension.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa vanoti chira (be cured, recover or feel better after illness) kureva kupora pahurwere. Mamwe mazwi: chiritsa (to cure; cause to recover) kureva kuporesa.
  • VaChewa vanoti chirikiza (to support; help; prop up). VaNyoro vanoti okukira (to get well) vachireva kupora.
  • VaVenda vanoti -tshila (v. live). Vhutshilo (n. life). -tshidza (v. save, let live). Lenje vanoti shilika (treat medically, attend as a doctor) kureva kurapa.
  • BaKalanga vanoti buchilo (life) kureva hupenyu. BaKalanga vanoti chila (live; survive) zvichireva kurarama kana kupona.
  • VaBwisi vanoti kukila (1.be healed; recover from sickness; 2. to survive). VaBwisi vanoti kukiliya (v. healed).