Rusero

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Mukadzi ari kupepeta nzungu

Rusero kana musero (winnowing basket) chiumbwa kana kuti gando rakarukwa netsanga rinoshandiswa kuwurutsa mbeu kuitira kupatsanura mbeu nembwizhu. Anoshanda nerusero anoita achikanda mudenga, adaro mbwizhu inotakurwa nemhepo mbeu dzinoremera dzichisara. Kuita uku kunonzi kupepeta - apa anenge achitenderedza rusero mbwizhu ichipupurutswa nemhepo.

Kana kuri kuwurutsa anozadza rusero nembeu dziri kuwurutswa osimudza mudenga achidira mudhishi rinogama mbeu, apa mbwizhu inopupurutswa nemhepo ichidonhera kunze kwedhishi.

Mbwizhu inopupurutswa inonzi maserwa kana kuti sera.

Mamwe mazwi[chinja | edit source]

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Lozi inoti liselo kana maselo (n. winnowing basket) zvichireva rusero. Luwanga vanoti okhuseretsa (v. winnow) kureva kusera.
  • Nyungwe inoti cisero (basket used for winnowing grain) kureva rusero. Maconde chihelo (winnowing tray) kureva rusero. Venda inoti tselo kureva rusero.
  • Chewa inoti chipeta kana licelo (winnowing basket) kureva rusero. VaGiryama vanoti kupepeta (v. winnow by throwing against the wind) kureva kupepeta.
  • Mang'anja vanoti kusera (to winnow; sift out; separate the grains from flour then) kureva kusera nerusero. Mang'anja vanoti ufa wo-serereka bwino (flour is well sifted).
  • MaZulu vanoti phephetha (winnow) vachireva kupepeta. VaDigo vanoti maphephe (chaff) zvichireva mbwizhu. Fananidzai nokuti kupepeta.