Rusero

From Wikipedia
(Redirected from Kusengeya)
Jump to navigation Jump to search
Winnowing peanuts - Madagascar.jpg

Rusero kana musero (winnowing basket) chiumbwa kana kuti gando rakarukwa netsanga rinoshandiswa kuwurutsa mbeu kuitira kupatsanura mbeu nembwizhu. Anoshanda nerusero anoita achikanda mudenga, adaro mbwizhu inotakurwa nemhepo mbeu dzinoremera dzichisara. Kuita uku kunonzi kupepeta - apa anenge achitenderedza rusero mbwizhu ichipupurutswa nemhepo.

Kana kuri kuwurutsa anozadza rusero nembeu dziri kuwurutswa osimudza mudenga achidira mune bhavha rinogama mbeu, apa mbwizhu inopupurutswa nemhepo ichidonhera kunze kwebhavha.

Mbwizhu inopupurutswa inonzi maserwa kana kuti sera.

Mamwe mazwi[chinja | edit source]

  • Kusera (to rotate) zvichireva kudzungurudza rouser.
  • Gango kana ganzvo (rim e.g of winnowing basket) apa kureva chibhande chikobvu chiri kumucheto werusero.
  • Rusero rwunoshandiswa kuita basa rinonzi kusera, kupepeta, kupesa, kupeya (sifting). Chipesi izita remhuri.
  • Kuserereka (able to be sifted; to be fine - of flour).
  • Kusengeya kana kuzungura (moving rusero round and round; shake with circular motion) apa kureva kutenderedza rusero.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaNyungwe vanoti cisero (basket used for winnowing grain) kureva rusero.
  • Izwi rokuti chihelo (winnowing tray) rinotaurwa mururimi rweMaconde richireva rusero.
  • Vatauri veChewa vanoti chipeta kana licelo (winnowing basket) kureva rusero.
  • Mang'anja vanoti kusera (to winnow; sift out; separate the grains from flour inorder to repound then) kureva kusera nerusero.
  • Mang'anja vanoti kuserera (to pass through, between or beneath; creep through - as a goat through a hole in the goat-house).
  • Mang'anja vanoti ufa wo-serereka bwino (flour is well sifted).
  • Mang'anja vanoti seru (loose, as rings that do not fit).
  • Mang'anja vanoti serula (pass through or up; separate from. derived from sera and serera).