Chitsere
Mataridziko
Chitsere (Ratel, Cape badger, Mellivora Capensis) imhuka inoyamwisa yakapararira mumatunhu eAfrica, Southeast Asia neIndia.
Hugaro hweChitsere
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Chitsere chinowanzogara choga, asi muAfrica zvitsere zvinomboonekwa zviviri zvichivhima munguva yekubereka mumwedzi waChivabvu. Chitsere inyanzvi pakuchere mwena, chinogona kuchera mwena pamamineti gumi (10mins). Mwena yechitsere ine buri rekupinda rimwe, uye yakareba mamita 1-3. Mberi kwemwena kune dendere risina mashe. Zvitsere zvinozivikanwa zvichishandisa mwena yehweru, nenjiri uye kuchera pachuru.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- MaZulu vanoti insele (Ratel, Cape badger, Mellivora Capensis) vachireva chitsere.
- Venda inoti tshisele (n. ratel, badger) vachireva chitsere. Tsonga inoti xidzidzi (n. honey badger).
- Herero inoti sere (v. burrow, unearth, dig or scratch out; to dig deep). Mamwe mazwi: seruka (v. to be level, to be even).