Rudzindi

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo fundoyetsimba, fosi yerudzindi kana kuti rudzindi (friction kuEnglish) imhando yefosi inowanikwa pakati pemitumbi iri kufamba yakagumhana. Fosi iyi inowanikwawo zvakare pakati pemitumbi inobhururuka mudenga nemweya uri mudenga macho.

Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano pachapiwa mitsara inotaridzaa kuti sei friction yatrurikirwa kunzi rudzindi. Shoko rokuti -dzindi rinotaura kusada, kupikisa, kudzivisa, kukakarara. Menzaniso ndiyo iri pasi:

  • Kudzinda (reluctance, unwillingness) - Mwana kana achidzinda-dzinda ndiko kuzivisa vabereki kuti haasakabudirira muchikoro. Apa kureva When a child shows unwillingness to do anything at home that is a sign to his parents that he has failed at school.
  • Dzindi (Working against; or opposing) - Akamuti dzindi achimurevera nhema. Apa kureva He worked against him by telling lies about him.
  • Dzinduka (Be resistant) - Injini yeBhazi yaidzinduka kumuka mangwanani nokuti kwakanga kuri kutonhora.

Kucherechedza Rudzindi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muchova pauno famba, unogoneswa kuenda mberi nokuda kwefosi yerudzindi iri pakati penzira nemavhiri emuchovha. Rudzindi pakati pemavhiri emuchovha nemugwagwa rwakakosha zvikurusei kana kwanaya kuti muchovha usatsvedza pamugwagwa. Munhu paano famba anokwanisa kuenda mberi nokuda kwefosi yerudzindi rwuri pakati petsoka dzake nepanzira pakatsikwa. Rudzindi rwunokonzerewo kuti mutumbi uri kufamba uzogumisidza wamira usisafambe kana pasina fosi iri kusairira. Izvi zvichikonzerwa norudzindi rwuripo pakati pemutumbi nemhepo uye rudzindi pakati pemutumbi uyu nepasi pakagumhana nemutumbi. Mutumbi unokwanisa kufamba chete kana fosi yedzitsinyira yakakura kudarika fosi yerudzindi. Ndege padzinobhururuka mudenga, mhepo inenge ichikwevera shure nefosi yerudzindi. Saka fosi yedzitsinyira inosairira ndege inofanira kukurira fosi yerudzindi rwemhepo.

Saka rudzindi rwakakosha pakuti rwunodzivirira kutsvedza izvi zvichigonesa mitumbi kuti ifambe kuenda mberi. Asi napowo rudzindi runodzivisa mitumbi kufambira mberi kusvika fosi yedzitsinyira yadarika fosi yerudzindi. Rudzindi runokonzera kuti pave nekupisa panogumhana mitumbi miviri. Mucherechedzo unoonekwa kana munhu akakweshanisa mawoko ake mutsvanza, panova nokudziya kwetsvanza. Rudzindi runoita kuti spidhi yemitumbi iri kutekaira idzikire apo zvinenge zvichikwesherana. Fosi yerudzindi inosiyana zvichienderana nokuti zviso zvemitumbi yakagumhana zvakamanzika kana kukwenenzwerwa zvakadii. Rudzindi rwakakura kana mitumbi ine zviso zvakamanzika; rudzindi rwakadzikira kana zviso izvi zvakakwenenzwerwa.

Mhando dzeFosi yerudzindi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Rudzindi rwemweya - rwunokonzerwa nemhepo kana mweya uri pedyo nemutumbi uri kutekaira. Mweya uyu unonda kudzivisa mutmbi unofamba kuti uende mberi.

Rudzindi rwenhakairo, (kinetic friction) Urwu rudzindi rwuri kupimwa pamutumbi uri kutekaira kubva panzvimbo kuenda pane imwe. Apa fosi yedzitsinyira inenge yakakura kudarika fosi yerudzindi.

Rudzindi rwezvimire, (static friction) urwu rudzindi rwuri kupimwa pamutumbi une fosi yedzitsinyira asi mitumbi uyu usiri kufamba kana kutsukunyuka kubva pauri. Apa fosi yedzitsinyira inenge iri diki kune fosi yerudzindi.

Rudzindi rwezvinoyerera, (fluid friction) urwu rudzindi pakati pemhande dzezvinoyerera sokuti mafuta akagumhana nemvura.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti umshikisho (Friction; rubbing (as of the feet when dancing)).
  • MaZulu vanoti umshikisho (Species of dance, in which scuffling of the feet is prominent).