Bhazi

Kubva Wikipedia
Bhazi guru, Japan
Benz-Omnibus, 1896

Dutavanhu (Chingezi: Bus) kana bhazi kutora izwi re varungu, muchovha unotakura vahu vazhinji panguva imwe chete. Bhazi rinokwanisa kutakura vanhu 60-100 zvichienderana nokukura kwaro.

Dutavanhu imhando ye muchovha inoshandiswa kutakura vanhu kubva kune imwe nzvimbo kuenda kune imwe kune zviitiko zvakasiyana, senge basa, chikoro, kana tsvagurudzo nezvimwe wo.

Zvichovhwa izvi zvinowanikwa zvakasiyana semuenzaniso, pane dutavanhu diki (minibhazi) rinotakura vanhu vashoma, uye pane dutavanhu rakaturukirwa rinonza double-decker bus muChirungu.

Nerubatsiro rwe zvichovha izvi kuti vanhu vakwanise kusvika kunzvimbo zhinji nenguva uye nekushandira nguva yavo; madutavnhu akabatsira zvikuru kusimudzira hupfumi hwenyika zhinji pasirose .