Nhumbu

Kubva Wikipedia

Munhukadzi anonzi ane nhumbu kubva panguva yaanosangana nemurume mwana obva aumbwa muchibereko chemukadzi. Panguva yokunge mukadzi ave nenhumbu dumbu rake rinotanga kukura zvichienderana nekukura kuri kuita mwana muchibereko. Vamwe vatauri vanoti mimba.

Nhumbu yemunhu inotakurwa kwemwedzi mipfumbamwe (9). Vanhu vanoberekana nenzira inokumbanidza mbeu yemurume nezai remukadzi mushure mokunge murume nemukadzi vasangana kana vakumbana panguva yakafanira.

Kutsika mwedzi (to miss a period and become pregnant).

Zvinosarira muchibereko mushure mokunge mwana abuda zvinonzi rusarira, musana kana kuti chavakuru - after-birth.

Kusurumuka[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mazwi anoti rusurumuko kana nguva yekusurumuka iri kuturikira gestation period inova nguva kubva pakunamba pamuviri kusvika kuzvarwa kwemwana. Munhukadzi anosurumuka mavhiki makumi mana. Asi vana chiremba vanotarisira nguva yekusurumuka kubva pamavhiki makumi matatu nemasere (37) kusvika makumi mana nemaviri (42). Zvakakosha kuzivisana kuti izwi iri haritaurwe kuShona saizvozvi - pano kuda kuvaka mutauro chete - kana pane izwi riri nani ngaripinde.

  • Kusurumutsa (Act as Midwife) apa kureva basa ranyamukuta ari kugamuchira mwana pakuzvarwa.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

William Hunter, Anatomia uteri humani gravidi tabulis illustrata, 1774
  • Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro: what is impossible is impossible, a foetus is not killed by coughing.
  • Nhumbu inorema yasvika. A womb is heaviest near (the time of) delivery.
  • Nhumbu mukadzi mukuru hairevi chayadya.
  • Mudzimai wake akanga ati chikotsa akafufudzika: his wife who was with child has had a miscarriage.
Kukura kwenhumbu pamasvondo 26 nemasvondo 40
Kukura kwenhumbu pamasvondo 26 nemasvondo 40

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaDigo vanoti mimba (pregnancy) vachireva mimba. VaMambwe vanoti mutokoma (fetus). Nsenga vanoti mimba (n. an unborn child).
  • Baila vanoti ku mita (to be pregnant) kureva kumita. VaFwe vanoti kusumbara (to become pregnant).
  • VaMakonde vanoti libongo kana mabongo (foetus or fetus). VaTonga vanoti nseke (embryo) vachireva mwana achitanga munhumbu
  • VaMakonde vanoti chitumbo (pregnancy, embryo). VaWanga vanoti okhubereka (to conceive a child) vachireva kunamba nhumbu.
  • VaGungu vanoti kibbyolo (n. placenta; afterbirth) kureva musari. VaWanga vanoti okhubereka (to conceive a child) vachireva kunamba nhumbu.
  • Herero vanoti okusurumuka' (v. swelling of a river). Mamwe mazwi: omusuro (n. swelling on the body, boil, tumour). Sura (pp. swollen).