Mwedzi yeGore

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMwedzi (Mwaka))
Gore | Ndira | Kukadzi | Kurume | Kubvumbi | Chivabvu | Chikumi | Chikunguru | Nyamavhuvhu | Gunyana | Gumiguru | Mbudzi | Zvita 

Mwedzi chimwe chezvikamu gumi nezviviri zvenguva zvinoumba gore. Gore rinotanga mumwedzi waNdira richipera mumwedzi waZvita.

Mwedzi yeGore muChiShona[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvinyogwa zviri pano zvakanyogwa sedudziro muChiShona yemashoko akanyogwa muChiRungu mugwaro iri remudandira (ndakariverenga muna Nyamavhuvhu 19, 2012) raVaSolomon Murungu.

Ndira (January)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mwedzi waNdira ndiwo mwedzi wokutanga wegore. Zita remwedzi uyu rakabva paizwi rinoreva zvipembenene zvinonzi zvindira (black beetle). Nokudaro mwedzi waNdira unonzi "mwedzi wendira".

Kukadzi (February)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kukadzi mwedzi wechipiri wegore.

Kurume (March)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kurume mwedzi wechitatu wegore.

Kubvumbi (April)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mwedzi waKubvumbi mwedzi wemvura inonaya. MuZimbabwe mvura painonaya inonaya yakawanda munguva diki-diki uye iine mabhanan'ana. Mvura inozongonaya zvokusasa kana mwaka wekunaya wave kundopera mumwedzi waKubvumbi. Kubvumbi zvoreva kunaya kwemvura kunoitika zvinyoro-nyoro ichisasa mubvumbi.

Chivabvu (May)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mwedzi uyu wakanzi Chivabvu nokuti ndiwo mwedzi wokupedzirisira kwemwaka wezhizha uri mwedzi unowanikwa chibagwe chokugocha chokupedzisira.

Rimwe zita remwedzi weChivabvu rinoshandiswa nevamwe vatauri veChiVanhu ndiBandwe.

Chikumi (June)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chikumi mwedzi wechitanhatu wegore. Uyu ndiwo mwedzi uripakati pegore.

Chikunguru (July)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mwedzi uyu wakanzi Chikunguru nokuti ndiyo nguva inoibva muchero unonzi nhunguru. Hutsvuku hwenhunguru hunoendera nemashizha matsva emiti wemusasa newemutondo, izvi zvichiita kuti ruvara rwehutsvuku ruve rwakatandira nenyika.

Nyamavhuvhu (August)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mwedzi waNyamavhuvhu mwedzi wekuvhuvhuta kwemhepo zvichibva pakuti mwedzi uyu ndiyo kuva inoita mhepo yakasimba kudairika mwedzi yese.

Gunyana (September)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Gunyana mwedzi wechipfumbamwe wegore unouya pamberi paNyamavhuvhu, uchiteverwa naGumiguru. Mvura yeGukurahundi inonaya mumwedzi waGunyana.

Mwedzi waGunyana ndiwo mwedzi wenguva yokuzorora kukohwa zvese nekurima, iri nguva yekunyatsopeta makumbo, vanhu vakafunya, vakagara zvavo vachitandara mushure mokupedza kukohwa mwedzi yapfuura uyewo nguva yokurima ichiri kure mumwedzi inotevera.

Gumiguru (October)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mwedzi waGumiguru ndiwo mwedzi wegumi pamwedzi yegore.

Mbudzi (November)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mwedzi waMbudzi ndiwo mwedzi apo mbudzi zhinji padzinobereka kana kuti padzinotarisira kubereka mbudzana. VaWilbert Sadomba, apo vainyora mugwaro rakanyogwa muChiRungu rinonzi "Using Taboos and Proverbs as Oral Archives of Indigenous Knowledge", vakanyatsogona kutsetsenura kududzira mwedzi waMbudzi nemashoko anotevera:

"Vanhukadzi vaonekwa sokunge vane hutsvene nechiremerera zvinofanana nezvinopiwa sikanyika nokuti vakapiwa chipo chekuzvara, chesikarudzi. Izvi zvinoratidzwa muzvivakahunhu nezvinoereswa mumagariro evanhu veChiShona. Mwedzi weMbudzi ndewenguva apo zvisikwa zvese zvinomera muvhu nezvinofamba zvinobereka vana vazvo, kutangisa vupenyu vutswa mushure mokunaya kwemvura. Nokuti zvokudya zvinenge zvakawanda uye zvichiwanikwa zviri nyore, mhuka dzose dzinodya zvinomera muvhu ndipo pazvinobereka vana. Mwedzi weMbudzi inguva iyo mhuka dzese dzinonyanyisa kuita vana, kusika upenyu hutsva. VeChivanhu pavakaona izvi vakasunga chiga chokuti kuroorana pakati pavo chive chinhu chinoera mumwedzi weMbudzi. Izvi vaiitira kuti vanhu vasauraya mbudzi dzinembudzana mudumbu dzisati dzazvagwa vachida usavi hwevanhu vanoungana pamakungano ekuroorana. Zvainzi vanoroorana mumwedzi weMbudzi vachawigwa nenhamo yokuva vacharambana zvisina tsarukano kana kuwigwa nenhamo yokushaya chibereko nevana mumba." ~ VaWilbert Sadomba (dudziro iyi yakanyogwa naKuda Rukanda apo achibetsera kunyora gwaro rino iri.)

Mashoko aya idudziro yemashoko akanyogwa naVaSadomba eChiRungu anotevera:

"Women are regarded with the sanctity of nature because they possess power of regeneration through their fecundity. This is reflected in a number of values, beliefs and taboos. November is known as Mwedzi wembudzi, the month of the goat. November marks the period of regeneration of both, flora and fauna following the first rains. With abundance of food, herbivores of all kinds start to reproduce and November is the peak period for this process of regeneration. This observation led to the development of the taboo that forbids marriage during the month of November. The taboo was developed to avoid accidental killing of pregnant animals for marriage or other ceremonies. The punishment suffered by people who marry in November is unreasonable breakdown of the marriage or some such calamity as failure to have children." ~ VaWilbert Sadomba, mugwaro rinonzi "Using Taboos and Proverbs as Oral Archives of Indigenous Knowledge"

Zvita (December)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvita ishoko rinobva pakuti "mazviita zvakanaka" vadzimu vedu kuti chengeta gore rose. Nokudaro, mwedzi waZvita mwedzi mwedzi wekurangarira nokutenda madzitateguru, ivo vari vadzimu vedu. Zviitwa zvese zvinoera mumwedzi weMbudzi zvigona kuti zvichiitwa mumwedzi waZvita. Vanoroorana vagona kuchiroorana havo. Mbudzi nedzimwe mhuka dzinogona kuchiuraigwa vusavi zvino pamakungano emaroora. Vanhu vagonazvavo kuchiita ungano dzekupira kuvadzimu kana kugadzira vafi. Zvese izvi zvinochiitwa mukufara nokupemberera.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chewa, Tumbuka, Lenje vanoti mwezi (month; moon) kureva mwedzi.
  • VaKongo vanoti ndila (a manner of weeping, a lamentation) kureva mutowo wekuchema.
  • VaNgala vanoti sanza (n. month) kureva mwedzi.