Garwe
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuNgwena)
Garwe, ngwena, gambinga, gomombo (crocodile in English) imhuka inogara mumvura inowanikwa munzvimbo inodziya ye "tropics" mumatunhu ari kuAfrica, Asia neAustralia. Makarwe anogara mumvura isina munyu munzizi, nyanza, madziva nematoro.
Makarwe anodya nyama inosanganisira hove; mhuka dzemumvura nemhuka dzepadunhu. Mune dzimwe nyika makarwe anopfuyiwa pamapurazi, matehwe acho achizoshandiswa kugadzira shangu nemabheki emadzimai. Nyama yemuskwe wegarwe inokosheswa semutakunanzva kunzvimbo dzinoshanyirwa dzakaita se Victoria Falls. Nyama iyi inotaridzika senyama yehuku.
- Mwana wegarwe anonzi ganyamatope.
Mazita emhuri
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Kune mazita emhuri ane chekuita negarwe. Mamwe ndiwo anoti: Garwe, Ngwena, Gambinga, Gushungo.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Dziva rine ngwena idivakamwe.
- Chidziva mudingwi ndicho chinogara ngwena. It is in the silent pool that crocodiles live.
- Chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwena. It is in the quiet pool that crocodiles live.
- Garwe haridye chebamba charo chinoza neronga.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaLozi neBasotho vanoti kwena (crocodile) kureva garwe. VaWanga vanoti ikwena (crocodile) kureva garwe.
- VaBemba, VaFwe, VaZigula neVaYao vanoti ngwena (crocodile) kureva garwe.
- VaKongo neVaTeke vanoti ngandu (crocodile) kureva garwe. Umbundu inoti ngandu (n. alligator).
- Lenje inoti mulonga (river, stream) kureva rwizi kana rukova.
- Chuabo inoti nyakoko (n. crocodile) kureva garwe. Nyaneka inoti ongandu (n. alligator).