Mudungwe

Kubva Wikipedia
Mudungwe wevanhu kuPoland vakamirira kutenga chikafu

Mudungwe (Queue; line - single file; train of people) rinoreva mutsetse wevanhu zvikurusei vakamirira chimwe chinhu chavanoda kugamuchira. Kunonzi mudungwe kana vanhu vakamira mumwe shure kwemumwe, vakatarisana makotsi. Vamwe vatauri vanouti chirundu.

Mudungwe wakasiyana nerundaza rwekuti vanhu vanomira vakaererana mapendekete pasina ari shure kwemumwe.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vanhu vanogona kuita mudungwe wekutenga chingwa, kupinda mubhazi, kuvhota zvichingodaro. Mudungwe unoitika kana vanhu vachiuya kuzogamuchira vakawanda kudarika kugamuchidzwa kwacho kuri kuitika.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti umlunge (Succession of persons, animals, or things following one another) kureva mudungwe.
  • VaTonga vanoti tunga (form a line) vachireva kuita mudungwe. Lunda inoti tandama (stand in line).
  • Nyungwe vanoti mfolo (n. line, queue) kureva mudungwe.
  • Bushong inoti angama (v. be in line). Bushong inoti muanga (n. line) kureva mudungwe.