Yemeni

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuYemen)
Rudhende rwe Yemeni
Mitauro ye chihofisi
Chiarabhu: الجمهورية اليمنية

al-Jumhūrīyah al-Yamanīyah

Rwiyo: نشيد اليمن الوطني, "United Republic"

Yemeni (muChiarabhu: اليَمَن‎ al-Yaman) pachihofisi icinzi Rudhende rwe Yemeni, inyika irikuMadoker eEzhiya. Yakagadzikwa kumagumo echamhembe chePeninzura ye Arabhiya, uye inoganhurana ne Saudhi Arabhiya kumaodzanyemba uye Omani kumaodzanyembaemabvazuva uye inopanana miganhu ne nyika dzemuAfurika dzinosanganisa Eriteriya, Jibhuti ne Somariya. Gutaguru uye gutarihombe rayo rinonzi Sanaa. Kubva 2021, Yemeni inofungidzirwa kuva nehuwandu hwevanhu ungasvike 30.4 miriyoni.

Muchikare, Yemeni yaive imba ye Vatema vataiti Vashavi (kana Vasave) nekuda kwekutibatsira kuyambuka Bhahari Dzvuku uye ngokuti takagarisana navo, Vasena ne Varemba vanonzi vaive Vahebheru vakabva kuMaodzanyembaemabvazuva eAfurika (kureva Mabvazuva Epakati nhasi), vakatama vakasangana neVabantu, senge isu Vashona (Vambire ne Vahungwe uye Vakaranga) ndikosaka vachigarisana nesu uye nevane hukama nesu, Vakalanga ne Vavhenda. Vashavi ndivo vaitongwa naMambokadzi Sheba, uye nekuda kwavo nzvimbo dzinenge Save uye Sabi dzakadanwa kuVatodza, vairemekedzwa uye ndivo vainzi Varungu pakutanga zvichireva "Ishe" kana "Vatsvene", nokuda kwechitendero chavo munaMwari. Vamwe Vabantu vachirikushandisa shoko rokuti Murungu kana Mulungu kureva Mwari.

Murizvino, Yemeni muvuso uno shambadza (kutredha) ne Itopiya uye ne Eriteriya nhasi.