Chikutse

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKukutsa)

Shoko rokuti chikutse kana kukutsa (united effort for a common cause) rinoreva kubatirana pamwe kuita chinhu, asi rinonyanya kushandiswa zvakanyanya kutaura kukutsirana kurwisa munhu. Nokumwe kutaura tingati kukutsira nokuita chirwirangwe zvakafanana.

Shoko rokuti kukutsa kana gutse rinokwanisa kushandiswa kutsanangura mashandiro anoita zvinonzi insurance uye medical aid kuEnglish. Mashandiro anoita izvi zviviri ndeekuita gutse munguva yekunge paitika tsaona, kana kurwara.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ko mazwi aya anotodzana nezwi rokuti kukutsa here?

  • Kukutwa kana kukuta.
  • Guta (City, a very large village - collection of homesteads in ancient times).
  • Gute (Act of surrounding, encircling).
  • Chita (Association, society, congregation, confraternity).

Kurerutsa mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vana vakaita chirwirangwe chokukutsirana munhu ainge arwisa baba vavo.
  • Vakakutsirana kutenga gejo munguva yechirimo.
  • Ndakutsirwa nevarume vaviri saka ndakurirwa.
  • Chikoro chedu ndechegutse: our school was built by everyone contributing to its construction.
  • Kubudirira kwegutse: community development.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaKongo vanoti kuta (v.t. to collect, gather together) vachireva kuungana. VaKongo vanoti kutama (to assemble, collect, gather up together) kureva kuunganidza.
  • VaKongo vanoti kuta (v.i. to assemble, gather together, collect together - of people only) vachireva kuungana.
  • VaKongo vanoti kutakana (v.t. to assemble together, to cluster) vachireva kuunganidza. VaKongo vanoti kutakana (v.t. to assemble together, to cluster) vachireva kuunganidza.
  • MaZulu vanoti hlanganyela (v. Unite against, combine against, make a combined attack) vachireva chikutse. Mamwe mazwi hlanganyela (v. Act in unison, participate) vachireva mubatapamwe.