Mwaka muZimbabwe

From Wikipedia
(Redirected from Chirimo)
Jump to: navigation, search

Chinyorwa chino chiri kutsanangura mwaka muZimbabwe.

Zhizha[chinja | edit source]

Maenza, zhizha kana zhezha (rainy season) inguva inonaya mvura vanhu vachizodyara mbesa muminda.

Matsutso[chinja | edit source]

Matsutso kana masutso (End of rainy season when crops are about to ripen) apa kureva nguva inopera mwaka wekunaya kwemvura apo zvirimwa zvinenge zvosvika kuti zvichikohwewa. Vamwe vatauri veChiKorekore vanoti mapehwe.


Chando[chinja | edit source]

Chando (winter) mwaka wekutonhora, munguva iyi vanhu vanenge vachipedzisa kukohwa kana kupura mbesa dzavo. Vatauri veChiNdau vanoti chinyamuchinga.


Chirimo[chinja | edit source]

XN Fruehjahrswiese 00.jpg

Chirimo kana ruswiswi (springtime) iyi inguva inotevera chando apo varimi vanotanga kurima minda, miti inotanga kudenhera mashizha matsva.

Mhari (dryness, want of rain or moisture; aridness). Iri izwi rinokwanisa kuturikira chinonzi arid region kuEnglish.