Kugara Nhaka
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuKugara nhaka)
Nhaka (legacy, inheritance) zvinoreva pfuma inogachidzwa ichibva kuvabereki kana madzitateguru kuenda kuvana avo. Iyi ingava pfuma yezvipfuyo, nhumbi kana midziyo uye inogona kuvawo pfuma yeruzivo, tsika, zvirevo nemashoko anovaka rudzi mune zvakanaka.
Rifa kana ifa (inheritance - generally of perishable items not cattle) zvichireva nhaka yezvinhu zvinosakara zvakadai sembatya kana midziyo.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Nhaka mbuya ndeye mombe; yemunhu inozvionera.
- Nhaka dzinoguranwa musi wenyatwa. Inheritance is withdrawn on the day of trouble.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mugari weNhaka, magaranhaka, mudyi wenhaka, mwanazari kana sazita (heir).
- Matata (personal belongings of deceased person).
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Nyungwe inoti nthaka (n. inheritance) kureva nhaka. Mambwe inoti ndalilo (n. inheritance, heritage) kureva nhaka. Venda inoti thaka (n. wealth).
- MaZulu vanoti ilifa (n. inheritance; Property of deceased; estate) kureva nhaka. Mamwe mazwe: indhlalifa (inheritor) kureva mudyi wenhaka.
- Luganda inoti takata kana taka (die, pass away) kureva kufa. Mambwe inoti ntaka (of value, of good quality, etc).
- VaLozi vanoti mucalifa (n. heir, heiress, inheritor) kureva mudyarifa. VaGulu vanoti muhala (n. heir).
- VaLozi vanoti sanda kana lianda (n. inheritance). Kucasanda (inherit). Mucali kureva mudyari.
- Zigula vanoti kupala (inherit, to inherit) - kugara nhaka. Mamwe mazwi: kudahalwa (to be inherited).
- Zigula vanoti Matata (a tangle, embroillement, annoyance). Hadiyya inoti irifo (n. award; reward).
- Lenje inoti piana (inherit, succeed to a deceased's property) kureva kugara nhaka. Mamwe mazwi: chipiano, chikono (inheritance) kureva chenhaka.