Huyeru

Kubva Wikipedia

Huyeru kana hueru (brightness; lustre, illumination; light intensity; to be light not dark) izwi riri kushandiswa kuturikira chivakashure chinonzi photo- kuEnglish. Izwi iri rinobva padzitsi rokuti -yera uye rinodudza kuti pane ruvheneko, rujeko; kuchena.

Mazwi ari pedyo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Dzitsi rokuti -yera rinowanikwa kumitauro yeBantu uye rinotodzana nemawe mazwi anoti: kuyedza; kwayedza, kweru, hweru, kuyera; mweru. Fananidzai nokuti huremu zvichibva pakuti kurema.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Herero inoti -yere (light, not dark; bright). Mamwe mazwi: -yere (pure; shining). Oku-yere (open plain in distinction to a dark thicket; light tract of country).
  • Herero inoti ou-yere, oru-yera kana o-mbaera (brightness; lustre). Mamwe mazwi: ou-yere (n. clearness; brightness; glory).
  • Mang'anja vanoti kuyera (of whiteness, cleanliness, brightness, clearness, clarity, purity, holiness) kureva kuchena.
  • Kinande vanoti obweru (whiteness) kureva huchena. Kinande vanoti obweru (cleanliness) kureva kuchena.
  • Umbundu inoti yela (clean, white) kureva huchena. Edo inoti ere (white bean) rudzi rwebhinzi chena.