Gunguwo

Kubva Wikipedia
Krummi 1.jpg

Gunguwo (crow) ishiri nhema inowanikwa musango inodya madzinde pamwe nenyama. Gunguwo rinowanikwa muAfrica, Europe, Asia, North America.

Gunguwo ishiri yakachenjera fani inokwanisa kuita zvakachenjera - painovhura kana kukudubura mabhini mumisha munogara vanhu uchenjeri hwayo hunoonekwa. Kune mhando yegunguwo inowanikwawo kunyika dzinotonhora dzeEurope neNorth America, aya makunguwo achigara kunyika idzodzo yangwe mumwaka we chando.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Gunguo rinodya mbamba, rino muchero waro. The pied crow eats groundnuts; that is its fruit.
  • Gunguo rakaramba kumirira museve rikapona nehwakumukwaku. The crow refused to wait for an arrow and escaped by hopping.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti khungubwe (n. crow) kureva gunguwo.
  • MaZulu vanoti umseka (white ring-mark around the neck as on a crow) kureva bhande jena muhuro sere gunguwo.
Pied Crow (Corvus albus) closeup from front.jpg