Denderedzwa

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo chePimanyika, denderedzwa (circle kuChirungu) chiumbwa chine munyonya wakavharika panzvimbo dzose uye munyonga une nhambwe dzakaenzana panzvimbo dzose zvichibva pakati (centre) redenderedzwa racho. Nhambwe kubva pakati kusvika nemuganhu wedenderedzwa inodanwa kunzi taramunyongo, (radius kuChirungu).

  • Denderedzigama ndiro rinonzi semi-circle kuChirungu.
  • Bandiko (Sector) - iri izwi rinoreva nzvimbo iri pakati pemutaro miviri (radii) yakanyorwa kubva pakati pedenderedzwa kuenda pazvimiso zviviri zvakasiyana zviri pamuganhu wedenderedzwa.

Nhambwe yemuganhu wedenderedzwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muganhu we denderedzwa une nhambwe inopiwa netsazaniso inoti

Pimamuganhu, P = 2πR = πD

Apa π igovano yePimamuganhu neDiameter yeDenderedzwa, R ndiyo taramunyongo yedenderedzwa, D ndiyo Diamater yedenderedzwa. Govano inonzi π, inoda kuyenzana na (22/7) kana kuti 3.14159 nekumwe kunyora.

Nharaunda yeDenderedzwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nharaunda rwuri mukati medenderedzwa runowanikwa netsazaniso inoti:

Nharaunda, A = πR2 = (πD4)/4

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Herero vanoti omuruko kana omiruko pakuwanda (circumference) kureva mutsetse wakatara denderedzwa.
  • Digo vanoti mzunguruko (circumference) vachireva pimabote. Tudaga vanoti kûru (n. circle) kureva denderedzwa.
  • VaLozi vanoti litengo kana matengo (n. circle; people sitting in a circle; halo around the moon) kureva denderedzwa.
  • VaSwahili vanoti mzingo (1. circle, curve, bend. 2. circumference, periphery. 3. environment, neighborhood. 4. mil. encirclement, investment).
  • MaZulu vanoti thenda (v. Roll along) vachireva kukunguruka.