Ungamhenyu

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuChiunga chezvipenyu)

Mazwi okuti chiunga chezvipenyu kana ungamhenyu riri kushandiswa pano kuturikira chinonzi biome kuEnglish izvi zvichidudza kubatanidzwa kwezvisikwa zvipenyu zvinowanikwa munzvimbo - apa zvisikwa zvinosanganisira: mhuka, tupukanana, makwenzi, miti, maruwa, hove, nyoka zvichingodaro. Zvisikwa zviri muchiunga zvinenge zviine chiviri chimwe chinozvigonesa kurarama munzvimbo yazvinogara. Tingati maungamhenyu inzvimbo dzakatsaukana dzinorarama zvisikwa zvipenyu zvajairira kana kuzivira mamiriro ekunze enzvimbo iyoyo. Mienzaniso yemaungamhenyu yakapiwa pasi apo.

Kupiwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Izwi rokuti biome rakaumbwa nezvikamu zviviri: chekutanga chinoti bio chichireva zvisikwa zvipenyu; chepiri chivakamberi chinonzi ome (denoting a mass or part of a specified kind) chichireva chiunga kana chikamu chechiunga cherudzi rwakarehwa mberi kwezwi rokuti ome.
  • Izwi rokuti chiunga rinoreva kuunganidzwa kwevanhu, zvisikwa kana zvinhu panzvimbo imwe - (a collection, a gathering together, a bring together).
  • Ringira, ndinozokuita kuti ubare, ndikuwanze; ndinozokuita chiunga chevanhu: I am going to make you fruitful and increase your numbers. I will make you a community of peoples, (Genesis 48:4 Bhaibheri reChiNdau.
  • Tarisai chikamu cheMitauro yeBantu chiri pasi chinotsanangura zvinorehwa nemazwi anoti kiunga uye unga mururimi rweSwahili neDigo.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mienzaniso yechiungamhenyu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaSwahili vanoti kiunga (suburb, environs of a town; 2. garden, fruit orchard).
  • VaSwahili vanoti unga (1. join, connect, fasten together, 3. count/ add up. 4. secure, consolidate, establish).
  • Digo neChewa vanoti unga (to join, to unite). Mamwe mazwi: kuungana (to come together to form a group, to join with one another).
  • VaDigo vanoti ungo (a joint of the body, the body as a whole, and in particular the back; figuratively used of a tree bearing fresh fruit).