Nyuchi
(runangakatsva kubva kuBumha)

Nyuchi kapembenene kanogadzira huchi kanowanikwa muAfrica uye kune zvimwe zviwumbe zvinosanganisira Asia, Europe, North America¸ neSouth America.
- Mhora kana kuti ndamo (beeswax) zvinoreva izvo zvakagadzira midende inovakwa nenyuchi kuti dziise huchi hwadzo
- Donganyuchi mukono wenyuchi; idzi nyuchi hadzina rumborera uye hadzibate basa rekuunganidza mhodzi kana nectar. Basa radzo kutanda hadzi kuti dziite vana.
- Basi, pasi, nhonhongora, nhonongora, mhubudza (Small stingless bee living in trees) imhando yenyuchi isingarume inogara mumiti.
- Hwodza, bocha kana monga (Bee: stingless, living in termite mounds) imhando yenyuchi isingarume inogara muguru pachuru.
- Bupira kana bute (Swarm of insects; abundance of flying insects) zvinoreva nyuchi zhinji dziri kubhururuka - an abundance of flying insects, a swarm.
- Mukuze (a large group of bees, moving together).
- Kutota (to suck as bees on flowers) zvichireva kusveta sezvinoita nyuchi pamaruva. Zvichida izwi iri rinotodzan nezita Nyatsimba Mutota
- Mudzinga (Bees' nest with long approach from which honey is taken for some years in succession).
- Gonera kana mhako (bees nest among rocks) kureva dendere renyuchi riri pakati pematombo.
Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Mudza (1. Inaccessible place. 2. Space below raised building).
- Nyuchi dziri mudza: the bees are in an inacessible place (i e in space between two stones, to which hand cannot penetrate).
- Uya nekasha riri mudza meguyo: fetch the snuffbox from under the grindstone.
- Nyuchi mumukoko dzinorarama nemukowozanwa, dzichibatirana mabasa.
Bumha[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Bumha kana bumbira (swarm of insects) zvinoreva kuwungana kwezvinhu zvidiki zvakafanana. Vamwe vatauri vanoti bunguzeze kana pungu. Somuenzaniso kune bumha renyuchi kana bumha remago.
Zvirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Nhonhongora kudya chayo, kukumbirirei uchi kudondi. A big bee eats from its own and does not ask for honey from a smaller bee.
- Ruva rasvava harikwezvi nyuchi. A wilting flower does not attract bees.
Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- VaMaconde vanoti imbai, kana umbai kana ambai (bee) kureva nyuchi. Ambayi izita remhuri.
- VaGiryama vanoti bumba (swarm of bees or wasps) kureva bumha renyuchi.
- VaGiryama vanoti nyuchi (bees) kureva nyuchi. Nsenga nzimu (n. bee) kureva nyuchi.
- Giryama vanoti mulondzi (mason bee) kureva nyuchi dzinovaka nedhaga.
- Chewa vanoti masa a njuchi (1. bee bread - pollen stored buried in a honeycomb; 2. honeycomb).
- BaKalanga vanoti monga (n. honey made underground by small black bees which do not sting).