Nzimbe

Kubva Wikipedia

Nzimbe (sugar cane) imhando yehuswa hunorimwa hunotapira. Dzimbe dzinosvinwa muto wadzo uchigadzira tsvigiri uye ndiyo yezvimwe zvirimwa vino gadziriswa tsvigiri. Zvimwe zvacho zvino sanganisira beetroot nechibage.

MuZimbabwe nzimbe dzinorimwa zvakanyana kuChiredzi kuMasimo anonzi Hippo Valley, Triangle neMkwasine dzichi rimirwa mari (commercial) asi dzimba zhinji kusanganisira dzemumaguta dzino rimawo nzimbe dzeku tsenga iyo inova tsika yevanhu vemuZimbabwe.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nhango (segment of cane sugar stem).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti ndzimbe (n. sugar cane) kureva nzimbe.
  • VaChewa vanoti njimbe kana nsimbe (sugarcane) kureva nzimbe.
  • Chuwabo vanoti mabugu (n. sugar cane) kureva nzimbe.