Bere, Mhuka
Bere (Hyena in English) imhuka yemusango ine makamba matema nebrown inokura kusvika pamhumhu wembwa. Vamwe vatauri vanoti: chipere; bongo, svitsi, tika kana magondo - asi mazita aya anokwanisa kureva marudzi akatsaukana emapere. Iyi mhuka inowanikwa muziwumbe zveAfrica neAsia. Bere imhuka inozivikanwa nokufamba usiku uye nemusana waro wakaita muteremuko unobva kumakumbo emberi uchidzika kuenda kumakumbo eshuru.
Bere rakasiyana nekatsi dzemusango pakuti rinobata dzimwe mhuka richishandisa mazino kwete makumbo ane nzwara sezvinoita mbada. Danga remapere rinesimba rokudzinga shumba kubva padzinenge dzavhima dzikabata mhuka yesango. Mapere anovhima nyati achikwanisa kuiwuraya; izvi zvinogoneka kana riri danga remapere.
- Mhere (hyena; spotted hyena).??
Tsumo[chinja | edit source]
- Chinono chinengwe bere rakadya richifamba.
- Unonyumwa bere kurira kuita sowakazora manda. He who is scared of the hyena's howling is smearing himself with fat.
- Zvaita sei kuti chembere yorasika/ bere rorutsa imvi?
- Mutengesi ibere hapana musha waanopfuura. A trader is a hyena, he does not by-pass any village.
- Chine munhuhwi, chine munhuhwil bere rakatiza norwauro rwemombe. Something with scent has the power 6f smell; a hyena snatched away the nose-rope of an ox.
Mitauro yeBantu[chinja | edit source]
- MaZulu vanoti impisi (Spotted hyena, Hyena crocuta) vachireva bere.
- VaBemba vanoti cimbwi (hyena) vachireva bere kana svitsi. Nsenga vanoti chimbwi kureva bere.
- VaDigo vanoti fisi (hyena) vachireva bere kana svitsi.
- VaNyungwe vanoti thika kana mathika (n. hyena) kureva bere.
Mazita emhuri[chinja | edit source]
Kune mazita emhuri ane chekuita nebere. Mamwe ndiwo anoti: Bere, Mapere, Chipere, Beremauro.