Mbada

Kubva Wikipedia

Mbada kana kamba (Leopard) imhuka yemusango iri mumhuri yekatsi dzemusango. Mhuka iyi ine mavara machena, mamwe akati svibei zvishoma, neyenhema nhema. Mbada inowanikwa muziwumbe reAfrica neAsia.

Mhuka iyi inonzi inogona kuvhima zvakanyanya; inokwira miti kana kutiva muvura uye inotakura dzimwe mhuka dzakakura zvakanyanya. Kana yovhima inomhanya neSpidhi inosvika 58 kilometres pa hour.

Mazita emhuri[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune mazita emhuri ane chekuita nembada. Mamwe ndiwo anoti: Mbada, Kamba.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Manenji kuona kamba ichitamba nembudzi. It is astounding to see a leopard playing with a goat.
  • Mwana wengwe -- mwana wengwe kuona chikara haatizi.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chewa vanoti nyalubwe kana nyalugwe (leopard). VaWabo vanoti nyarugwe (leopard) kureva mbada.
  • Tiriki vanoti ingoyi kana tsingoyi pakuwanda (leopard) kureva mbada.
  • Kabwa vanoti engwe (leopard) kureva mbada. Lugwere vanoti mpala (n. leopard) kureva mbada.