Svetuka kuchirochemo

Mhiripiri

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuToronga)

Mhiripiri kana chitoronga (Chillies) idzinde rinobereka muchero unovava unoshandiswa kurunga usavi. Mhiripiri inoita ruvara rwutsvuku kana ichinge yaibva. Nyika yeIndia inodyiwa mhiripiri zvakanyanya.

Muno muAfrica nyika dziri kumadokero dzinoti Senegal, neSiera Leone dzinoshandisa mhiripiri pakubika zvakanyanya.

Mitauro yeAfrika

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • VaKabwa vanoti ewarare (n. hot pepper) kureva mhiripiri. VaZigula vanoti mphiripiri (n. hot pepper) vachireva mhiripiri.
  • MaZulu vanoti mpili (ideophone of being red-splashed). Nsenga vanoti longwe (n. red pepper). Luhya vanoti epilipili kureva mhiripiri.
  • MaZulu vanoti -mpilimpili (Bright with red colours; blood-stained). Muenzaniso: Utshani obumpilimpili kureva - Uswa hwakati piriviri.
  • VaTonga kuMalawi vanoti tsabora kureva mhiripiri. IsiNdebele vanoti ibilebile kureva mhiripiri.
  • VaMoore vanoti kipare (n. chilli pepper) kureva mhiripiri. Mamwe mazwi: kiparenga (field of chilli peppers). Nasaar-kipare (n. species of pepper) rudzi rwemhiripiri.
  • Sangho inoti piri (adj. pure; real). Yoruba inoti biri (entirely, completely). Korandje inoti biri (n. Blood).

Dariro remifananidzo

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]