Nyauka

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Magodo echando achinyauka

Muchidzidzo fundoyetsimba, kunyauka (melting) zvinoreva kushanduka kubva pakuve godo kuenda pakuve mutuvi. Godo rinoshanduka kuva mutuvi kana hujoto hwakwira kusvika pachimiso chekugwamba - freezing point. Somuenzaniso magodo emvura (ice) anotanga kunyauka kana hujoto hwasvika 0oC.


Kujekesa

Muchinyorwa chino izwi reEnglish rinoti dissolving ndiro richanzi kunyungudika; izwi reEnglish rinoti melting ndiro richanzi kunyauka. Mukutaura kwamazuva ose mazwi maviri eEnglish aya anositurikirwa neshoko rimwe rokuti kunyungudika.

Mashoko aya akasiyana pakuti kunyauka zvinoreva kushanduka kubva pakuva godo kuenda pakuva mutuvi kuburikidza nekukwira kwehujoto hwasvika kana kupfuura pachimiso chekugwamba.

Kunyungudika zvinoreva kutsakakatika kwechiro mumutuvi kana zviviri zvichinge zvasanganiswa. Sokuti shuga inonyungudika mumvura.

Kana chinhu chisiri simbi chichinyauka chinonzi chiri kunanauka sezvinoita plastic.


Muhushangazhi hwemugodhi simbi dzinopiswa kusvika pahujoto 1300-1500o dzichinyauka kuita manyau akatsvuka nokupisa.

Simba remadziya rinopinda kuti godo rinyauke rinonzi mbindikwa yemadziya ekunyautsa.