Nyamupingidza sezita
Mataridziko
Nyamupingidza izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.
- Vanhu vane zita iri: Tangai Nyamupingidza; Brendah Nyamupingidza; Tinashe Nyamupingidza; Mishek Nyamupingidza aiva mutungamiri weDairibord.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.
- MaZulu vanoti mpingi (n. small stump of mealie cob) vachireva chimedu chemuguri wechibage.
- MaZulu vanoti mpingiza (Gather remnants of mealie-cobs left when harvesting) kunganidza chibage chinosarira pakukohwa.
- VaGungu vanoti kubinga (v. expel, send away, dismiss, chase away, exorcize) vachireva kudzinga.
- Kinande vanoti omupingi (n. a worker, a farmer) vachireva mushandi kana murimi.
Mazwi ari Pedyo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mupinga sezita (a family name) izita remhuri.
- Mupingidza sezita (a family name) izita remhuri.
- Chapinga sezita (a family name) izita remhuri.
- Mhinga (a family name) izita remhuri.
- Chapingidza sezita (a family name) izita remhuri.
- Kapinga sezita (a family name) izita remhuri.