Mushandi

Kubva Wikipedia

Mushandi kana mushumiri (worker or employee) munhu akakapinda basa paanoshanda achibhadharwa kushanda kwaanenge aita. Vashandi vazhinji vanobhadharwa zvichienderana nenguva yavashanda, nguva yavagara pabasa, humhizha hwavo.

Mushandirwi kana kuti tenzi ndiye wacho ari kushandirwa muridzi wemushando.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaTaita vanoti mkazi (workman, worker) kureva mushandi. VaTaita vanoti kazi (work, occupation, employment) kureva mushando.
  • VaNyungwe vanoti anyabasa (workers) kureva vashandi. VaGanda vanoti kola (work) kureva vashandi. Vanoti mkozi (Workman).
  • VaGwere vanoti mutambi kana mukoli (worker, employee, labourer), mushandi. Mamwe mazwi: kukola kana kutamba (do, act, work, manufacture) kureva kuita, kushanda kana kugadzira.
  • VaVenda vanoti mushumi (n. employee). Mamwe mazwi: mushumelwa (n. employer).