Mhofu
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuNhuka)
Mhofu (Eland in English) imhuka yemusango inowanikwa kuMabvazuva nekuChamhembe kweAfrica. Mumhuri yenhoro dzinowanikwa muAfrica, mhofu ndiyo mhuka huru. Matongo emhofu ndidzo nyika dzinoti: Botswana, Burundi, Congo, Ethiopia, Kenya, Lesotho, Malawi, Mozambique, Namibia, Rwanda, South Africa, South Sudan, Swaziland, Tanzania, Uganda, Zambia neZimbabwe. Rimwe zita remhofu rinonzi nhuka.Vanhu vanoera mhuka iyi ndivo vanaShava Mwendamberi,vakadzi vanonzi anaChihera. AnaMusiyamwa ndivozve vamwe anaMhofu.
Tsika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mhukarume izita remhuri rekuzvirumbidza rinowanikwa muZimbabwe.
Mhofu ndiyo mhuka inova mutupo wevayera shava, uye iyo ishava paruvara.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mazwi eBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Silozi vanoti pofu (eland) kureva mhofu. VaTakwane vanoti nddodda (eland) kureva mhofu.
- MaZulu vanoti impofu (Tan-coloured, tawny - colour of eland skin) kureva ruvara rwemhofu.
- MaZulu vanoti impofana (Small eland, young eland) kureva mhofu diki.
- MaZulu vanoti ubumpofu (Tan colour, tawny colour) kureva ruvara rwemhofu. MaXhosa vanoti impofu (n. eland skin) kureva mhofu.
- Barotse vanoti pofu (n. cape eland) vachireva mhofu. Sesotho vanoti phofu (n. cape eland) vachireva mhofu.